Uncategorized

Chidhoma chine sutu: Vabereki vakaita dare

02 Feb, 2018 - 00:02 0 Views
Chidhoma chine sutu: Vabereki vakaita dare Joseph Chidamba achitaridza nzeve yaanoti akarohwa iyo isingachanzwi

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
VABEREKI vane vana vanodzidza pachikoro cheMutonda Primary School, kuDomboshava, svondo rapera vakamuka chibhebhenenga vachipomera mukuru wechikoro ichi mhosva gumi nefararira.

Izvi zvinotevera mashoko anoti vamwe vana vepachikoro ichi vanoti vakaona chidhoma chechirume chainge chakapfeka sutu.

Musangano wakaitwa pachikoro ichi waive wakananga kugadzirisa nhunha dzevabereki.

Kwayedza yakapindawo musangano uyu apo vamwe vabereki vaiti mukuru wechikoro ichi, VaJabulani Mupande, vanofanira kusiya basa.

Nerimwewo divi, vamwe vevabereki vaiti VaMupande vanofanira kuramba vachishanda, vachiti hapana umboo hwekuti pane zvavari kutadza mukufambisa basa ravo.

Andrew Mhembere

Dzimwe dzemhosva dziri kupomerwa VaMupande dzinosanganisira kugera vana vechikoro nekupenda vhudzi ravo, kutorera vana majuzi asiri echikoro, kurova vana nezvimwe zvisina umboo hwakakwana.

Vana vepachikoro ichi vanonzi svondo rapera pamberi vakaona chinhu chavanoti chidhoma icho chainge chakapfeka sutu nhema chiri mumuti wepo.

Asi hapana akaziva kuti chinhu chiri kunzi chidhoma ichi chakabvepi uye kuti ndechaani.

Pamusangano uyu, VaMupande vanorambisisa mhosva dzavari kupomerwa dzekusafambisa basa zvakanaka vachiti idzi inyaya dzeruvengo.

Burldmen Ndawi (21) anoti VaMupande vari kukonzera nyonga-nyonga pachikoro ichi.

Sadunhu Edmond Munyawiri

“Muchinda uyu ngaaende zvake, hatichamuda. Anorova vana vechikoro uye akagera vapfanha vangu vaviri vanodzidza pano akavaisa ‘tint yeginger’ (kupenda vhudzi) apo hatizive kuti vhudzi racho akariisa kupi,” anodaro Ndawi (21).

Mai Petronella Kazai (50) vanopupura pamberi pechaunga kuti mwana wavo ane makore 13 okuzvarwa akarohwa naVaMupande zvekusvika pakuita matsi.

“Mwana wangu akarohwa nemambama akaita mazuva matatu achibuda ropa mumhuno nemunzeve. Hatina hedu kuenda kuchipatara nepamusaka pekushaya asi nanhasi nzeve yake iri kubuda hurwa uye haachanzwa zvakanaka.

Jabulani Mupande

“Akaroverwa nhau yekubatsira mumwe murairidzi wepano kutengesa majigisi. Akazomurova zvakare achiti asarovhe kumitambo yekuimba yaanoitisa,” vanodaro.

VaJames Chidamba (45) vanotiwo mwana wavo mukomana akarohwa naVaMupande uye vakamboenda kuchikoro uku vachida kuti vanyorerwe matsamba ekuti anorapwa asi mukuru wechikoro akaramba.

Zvisinei, kune vamwe vabereki vanotsigira VaMupande vachiti vari kuita basa rakanaka pachikoro ichi.

“Mukuru wechikoro uyu munhu akanaka chose, pano pane dambudziko remamwe maticha ari kufurira vana vechikoro nevabereki kuti adzingwe.

Forward Maponga

“Munhu uyu anoda kuti chikoro chibudirire, akatokanyisa zvidhinha kuti avakise mamwe makirasi nekuti chikoro chino chidiki. Haiwawo, inyaya dzegodo idzi,” anodaro Vengai Tapfumaneyi (44) uyo akanga oda kurohwa nechaunga nekuti anotsigira VaMupande.

Tapfumaneyi anoti ane vana vatatu vanofunda pachikoro ichi.

VaMupande vanorambisisa zvose zvavari kupomerwa vachiti mabasa evanhu vane godo navo.

“Ndambofunga kuti muchatiza pandasimuka. Chandinoda kukuzivisai ndechekuti handisi chidhoma, ndiri munhuwo akangofanana nemi.

‘‘Zvinonzi mudzimu wakupa chironda wati nhunzi dzikudye.

“Ko, icho chidhoma chinoonekwawo masikati machena here? Zvinosiya mibvunzo yakawanda. Munhu mukuru akaona chidhoma anotiza kana kufenda, kuzoti mwana mudiki otowana nguva yekuchivhundutsira? Hamuoniwo here kuti pane nyaya yakabikwa?” anodaro mukuru wechikoro uyu.

Vabereki vaive pamusangano – Mifananidzo naInnocent Makawa

Vanoenderera mberi vachiti: “Ndakanga ndakadeedza vakuru vezvedzidzo asi havana kuuya, pamwe vafunga kuti inyaya diki. Zvisinei, pandakageresa vana mupfungwa dzangu dzaida kuti vanodadisa kumakwikwi ekuimba.

“Pamajuzi, hongu ndakaatora mushure mekuzivisa vabereki kuti mwana wose achauya pano nejuzi risiri rechikoro ndinotora ndonopa nherera.

‘‘Majuzi aya handina kuakanda kugomba remuchenje sezviri kutaurwa, asi ndinawo.”

VaMupande vanorambawo nyaya yekuti pachikoro pavo pakaonekwa chidhoma chaive chakapfeka sutu nhema.

“Nyaya iyi ndakainzwa kuti kune vana vanoti vakaona chidhoma chakapfeka sutu nhema neshati yegreen, uye shangu dze4-corner netayi yegreen. Kutaura chokwadi ini handina kumbonoona chidhoma chairehwa ichi sezviri kutaurwa nevana, ndakatoenda kumba ndisina kuziva nezvenyaya iyi,” vanodaro.

Panyaya yekudonha kunonzi kuri kuita vamwe vana pachikoro apa, vanoti, “Mazuva ano kuri kupisa uye vamwe vanorwara, vamwe vanobva kudzimba vasina kudya. Varipo vana vanodonha pachikoro asi tichitobatsirana nemamwe maticha kuvatakura. Hongu, vazhinji vanodonha vari kukwaya kwangu zvichida pamwe inhau yekumira kwenguva refu.”

Vanoti nyonga-nyonga yepachikoro chavo iri kukonzerwa nevamwe vavanoshanda navo.

“Panorwa nzou uswa hunokuvara. Asi chokwadi ndechekuti pane zviri kuitika, kwete kumamisha chete asi nepano pachikoro nevamwe vangu vandinoshanda navo. Waunodya naye ndiye anokuuraya. Pamwe ndakauya ndikaita zvimwe zvisina kufadza vamwe vandinobata navo,” vanodaro.

Sachigaro weSchool Development Committee yepachikoro apa, VaFoward Maponga, vanoti zviri kuitika paMutonda Primary zvinokanganisa mabasa ebudiriro.

“Kutaura kudai mukuru wechikoro akanga abatana nemasabhuku gumi uye sabhuku mumwe nemumwe nevanhu vake vakakanya zvidhinha 10 000 zvekuvaka chikoro chino. Ndipo potanga kubuda nyaya gumi nefararira? Hazvina kunaka.

“Tichakwidza nyaya iyi kuvakuru vedzidzo tinzwe kuti vanomuchinja here kana kuti kwete, asi ndokunge kana paine zvikonzero zvakasimba,” vanodaro.

Sadunhu Edmond Munyawiri vanoti mukuru wechikoro haangodzingwi pasina zvikonzero zvakanyorwa pasi uye zvine umboo.

“Hatidzingi mukuru wechikoro nekuda kwemakuhwa, tinoda kuti vabereki munyore pasi zvikonzero zvekuti aende, tozviendesa kuvakuru vedzidzo,” vanodaro sadunhu Munyawiri avo vaivawo pamusangano uyu.

Kanzura wenzvimbo iyi, VaAndrew Mhembere, vanoti vabereki vaigarotumira zvinyunyuto zvavo maringe nemukuru wechikoro izvo zvakaita kuti vaite musangano uyu.

“Pakupera kwemusangano tazoti vabereki vavhote, ndipo pataona nhamba yakakura ichivhotera kuti mukuru wechikoro arambe aripo.

‘‘Saka acharamba achienderera mberi nebasa rake asi tichazoita mimwe misangano yekugadzirisa nhunha dziri pachikoro sezvo nyaya idzi dzichinzi dzine mushandirapamwe vevamwe vashandi vepachikoro avo vari kufurira vamwe vabereki,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>