Uncategorized

Chii chinonzi ‘peace order’?

12 Sep, 2014 - 09:09 0 Views

Kwayedza

ZUVA nezuva mumapepanhau, kusanganisira kumatare edzimhosva eCivil Court, kunobuda nyaya dzavanhu vanenge vachinokumbira mamejasitiriti kuti avape matsamba anodaidzwa kuti “peace order”.
Vakambenge vachidanana vakarambana, kana paita dambudziko mumwe anonotsvaga “peace order”.

Vakadzi vari pabarika vanogona kunotsvagirana ma“peace order” kana vasingagarisane zvakanaka. Varume vanenge vasingade kuchengeta vana vavo vanonotsvagawo “peace order” kuti madzimai avo asasvika kudzimba dzavo kana kumabasa.

Madzimai akaroorwa kazhinji vanonotsvaga “peace order” kana varume vavo vakaita ma“small house” anenge achivatuka kana kuvasvotesa. Ma“small house” anogona kuitawo zvimwe chete kana vachishaiswa rugare nemudzimai wemurume wavanodanana naye.

Pese paita vanhu panowanikwa kuwirirana kana kusawirirana, kubatana kana kusabatana, rugare kana bongozozo. Zviri muvanhu.

Asi, chii chinonzi “peace order” uye munhu anozopedzisira aenda kumatare edzimhosva kunotsvaga “peace order” zvamboita sei?

Vara rokuti “peace” rinoreva runyararo kana rugare. Kubudikidza nenyaya dzatinogarosangana nadzo tinoona kuti munhu anenge achishungurudzwa, kurohwa, kutukwa nezvimwe zvese zvinoita kuti ashaye rugare, hunhu norufaro anoenda kumatare onomhan’arira munhu kana vanhu vanenge vachimushaisa rugare norufaro. Izvi zvinogona kubvawo nokumapurisa.

Asi, mejasitiriti achitonga nyaya anonzwa mativi ose – ari kupomera mhosva neari kupomerwa. Vose vanopa umboo hwavo hunoita kuti mejasitiriti vature mutongo wokuti munhu opihwa “peace order” here kana kuti kwete.

Kana “peace order” yapihwa zvoreva kuti nyakumhan’arirwa anenge asingachabvumidzwi kuenda kumba, kubasa kana kumunda kwomunhu achinomushungurudza. Kana akaita izvi paiswa “peace order”, inenge yatove imwe mhosva inodzoka kumatare zvakare, nokuti kunenge kuri kuzvidza mitemo yenyika.

Munhu apihwa “peace order” haamanikidzwi kuti aende kumatare kuti inobviswa kana zvinhu zvisati zvanaka, uyewo kutyora mitemo yenyika kudzinga munhu munzvimbo nokuti atsvagira mumwe munhu anomunetsa “peace order”.

Vanhu vakaverenga mapepanhau kana kuenda kuCivil Court vanonoona kuti nyaya dzakati wandei dziriko inyaya dzavanhu vanenge vachitsvagirana ma“peace order”. Asi pane mamwe ma“peace order” aunobvunza kuti zvino kana vanhu vakange vave kurarama nenzira yakadai, vanogarisana sei munharaunda.

Muenzaniso ndewokutsvagira muvakidzani wako “peace order” nokuti anokushungurudza kana kukushaisa rugare. Hongu zvingadaro, asi munozogarisana sei? Dzimwe nguva minda yenyu iri pamwe chete; munotenga pazvitoro zvimwe chete; vana venyu vanodzidza pachikoro chimwe chete. Munozozvifambisa sei?

Munzvimbo munotadza kuumbwa hurongwa hunoita kuti kana vanhu vatadzirana vakurumidze kudzorwa zvinhu zvichiri pedyo here? Hutungamiri hwenharaunda basa rahwo nderei kana huchitadza kugadzirisa matambudziko anosangana navanhu? Ko iwo makereke basa rawo nderei kana achitadza kudyara mweya worunyararo norudo muvanhu?

Hongu vanhu vane kodzero dzokutsvagirana ma“peace order”, uyewo mutemo uripo kuchengeta munhu nohunhu hwavanhu. Asi chinokanganwa vazhinji pavanonotsvaga ma“peace order” vachitadza kuregererana ndechokuti kana zvave kumatare hazvidzimiki. Munogona kuzoregererana nokunzwisisana, asi hamugoni kunodzima zvakaitika. Zvimwe zvacho zvinobuda mumapenhau, mazita emhuri osvibiswawo.

Zvinonakidza kutaura kuti ndakamutsvagira “peace order”, asi zvimwe zvinoda kutanga zvafungisiswa.

Share This:

Sponsored Links