Chii chiri kuitika kwandiri?

23 Sep, 2016 - 00:09 0 Views

Kwayedza

BVUNZA KWAYEDZA NASEKURU MUTANGA

MUBVUNZO:

MHINDURO:Sekuru, ini ndatambura nekurota ndichishinha mumachira nemurume, angava manheru kana masikati. Zvadaro, kana kutengesa unoita kunge uri kutengesa nyoka. Ndaneta nekuchinja machechi. Ndinofunga kuti kuzviuraya ndiko kupedza zvose hangu. Ndashaiswa zano ndibatsireiwo.

Muzukuru iwe nevamwe vazukuru, vangave vakadzi kana varume, vanorota vechishereketa pabonde, uku kushandiswa nemweya yezvikwambo, mweya yakaipa uye inoparadza. Kusaroorwa kana kusaroora, kufirwa nemurume kana mukadzi, kubara vana vachifa kana kushaye mbereko, zvose zvinokonzerwa nemweya yetsvina. Zvinhu zvakaita sekubva kwepamuviri nejeko zvimwe zvinoratidza kuti pane hushereketwa hunenge huchitoitika.

Chikwambo chinonyanya kushandiswa nevamwe vedzinza vanoziva ngozi yakaitwa nemadzitateguru kumashure uko. Chikwambo ichi chinotsikirira ngozi iyi kuti iende mune dzimwe dzimba ivo vorarama neropa renyu kuti ivo vaite upfumi vega.

Zvino dambudziko rakadai rinotoda vana mazvikokota vane hunyanzvi hwekuripedza. Iwe kasika kubatsirwa namachiremba ane matsamba nehunyanzvi hwekurapa mumatambidziko echivanhu. Usazongoenda kune vose vose nokuti vamwe vacho zvigevenga zvinonge zvichida kukurozva. Kana zvichibvira svika kumahofisi eZinatha woudzwa kunowanikwa vanhu vangakubatsira.

 

Bvunza Kwayedza pa0714 200 007 kana 0775 421 949 kan 0715 942 183.

 

Share This:

Sponsored Links