Uncategorized

Chikiribidi hatichide

05 Oct, 2018 - 00:10 0 Views

Kwayedza

NGUVA yekunyorwa kwebvunzo dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) yasvika. Vana veGrade 7 vakatanga kunyora neMuvhuro uno uye veO- neA-Level vachatanga pakati pemwedzi uno.

Mumakore adarika, pane nyaya inogara ichitemesa nyika musoro, yekuburitswa kwemapepa ebvunzo nenzira dzechikiribidi apo vana vanenge vatarisana nebvunzo idzi. Gore rapera, bepa rebvunzo dzeO-Level English Paper 2 rakaburitswa nechikiribi zvakaita kuti vose vakange vanyora bvunzo idzi vanzi vanofanira kudzinyora zvakare.

Pakave nekugeda-geda kwemeno nekuda kwenyaya iyi kusvikira apo yakazoendeswa kumatare edzimhosva pakazopihwa mutongo wekuti vadzidzi vasanyore bvunzo idzi zvakare.

Mutongo uyu wakatambirwa nemufaro mukuru munyika yose nekuti vabereki vakawanda vaizodhurirwa, zvikuru avo vane vana vaive kumabhodhingi, nekutsvaga mari dzekufambisa uye dzekudya apo vaifanirwa kudzokera kuzvikoro kwavaive vambonyorera bvunzo idzi kuti vanodzinyorazve.

Zvichitevera mutongo wakapihwa nedare kuti vadzidzi vasanyore bvunzo idzi kepiri, izvi zvakaona Zimsec ichishandisa English Paper 1 yoga senzira yekuti avo vakange vanyora vakwanise kupihwa zvakabuda mubvunzo idzi.

Izvi zvinoratidza kuti zvakakosha kuti mapepa ebvunzo achengetedzwe segoridhe kusvikira panguva iyo anenge onyorwa.

Kuburitswa kana kuti “kutsvedzeswa” kwemapepa ebvunzo nechikiribidi nguva yekunyorwa kwawo isati yakwana kunokanganisa zvakawanda.

Chekutanga, Hurumende inodhurirwa zvikuru nekutsvaga imwe mari yekudhindisa mibvunzo mitsva kutsiva iyo inenge yaburitswa nechitsotsi uye mari dzekuzobhadhara vanozomaka bvunzo idzi zvakare.

Vaberekiwo vanodhurirwa nemari apo vana vavo vanenge vave kudzokera kuzvikoro kunonyora bvunzo dzavakambonyora kekutanga.

Ukuwo kutyorawo kodzero dzevana ava dzekuti kana mumwe chete wavo abiridzira pabvunzo, vose vonzi ngavachinyora patsva.

Idzo bvunzo dzachowo dzinoshaya chiremerera nehudzamu kana dzichingoburitswa nechikiribidi nguva yekunyorwa kwadzo isati yakwakana.

Nekudaro tinovimba kuti gore rino hakubude nyaya dzekuburitswa kwemapepa ebvunzo nenzira dzechitsotsi.

Tinogamuchira nemawoko maviri mashoko emutauriri weZimsec, Muzvare Nicky Dhlamini, ekuti gore rino kanzuru yavo iri kutora matanho akasimba ekudzvirira kuburitswa kwemapepa ebvunzo nechikiribidi.

Muzvare Dhlamini vanoti vashandi veZimsec, vakuru vezvikoro nemapurisa vachange vachibatsirana mukuchengetedza mapepa ebvunzo aya.

Vanoti zvakare mapepa aya achange achichengetedzwa munzvimbo dzakasiyana dziri kumatunhu mana enyika uye vakuru vezvikoro vachaatora chete musi unenge uchinyorwa bvunzo dzacho. Tinovimba kuti matanho aya achabatsira zvikuru mukupedza dambudziko rekuburitswa kwemapepa ebvunzo nechitsotsi. Asi semaonero edu, kumwe kunoda kuchengetedzwa panyaya yebvunzo idzi ndeuko kwadzinosetwa pamwe nekunozodhindwa mapepa aya nekuti kana kuine zinyekenyeke, chitsotsi ichi hachipere.

Zimbabwe inozivikanwa pasi rose kuve pamusoro penyika dzemuAfrica panyaya yevanhu vanogona kuverenga nekunyora saka budiriro huru iyi haifanire kudzoserwa kumashure nenhubu dzine katsika kekuburitsa mapepa ebvunzo nguva yekunyorwa kwadzo isati yasvika.

Dzimwe bvunzo dzakadai sedzeCambridge hatisati tambonzwa kuti mapepa acho anoburitswa nechitsotsi, saka chii chiri kuitika kuZimsec?

Wose anobatwa nemhosva yekuburitsa mapepa ebvunzo nechitsotsi anofanira kurangwa zvakaomarara kuti vamwe vagotya.

Share This:

Sponsored Links