Chikomba bara chichisiya ‘heti’

27 Jul, 2018 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu

MURUME wekuendeswa kudare nemudzimai wake achinzi anomushungurudza anoramba mhosva iyi achiti mukadzi uyu anoita zvezvikomba, ndokubva aburitsa mudare umboo hwenguwani yaanoti yakasiiwa nechimwe chikomba chaakawanikidza chiine mudzimai wake mumba make munguva dzehusiku.

Musekiwa Chidhumira akaudza mutongo wedare reHarare Civil Court kuti haashungurudze mudzimai wake, Moreblessing Tavengwa, asi kuti anoita gumbo mumba gumbo kunze izvo zvinoita kuti vagare vachinetsana.

Tavengwa anoti murume wake anogara achimurova pamberi pevana vavo izvo zvave kumushaisa chimiro.

“Ari kundirova pamberi pevana nevamwe vandinoshanda navo achiti handimuremekedze nekundipopotera, kana ndikasadaira foni anoitora oyiputsira pasi nehasha,” anodaro.

Anoti Chidhumira ari kuda kumupisira mumba.

“Ari kuti anoda kundipisira mumba, kana apedza oenda kumba kwemukoma wangu onopisawo kuti ndishaye pekugara,” anodaro Tavengwa.

Anoenderera mberi achiti Chidhumira anotora vana achienda navo kushamwarikadzi dzake vachidzoka vakakuvara.

“Anotora vana vangu achienda navo kushamwarikadzi dzake vachidzoka vakakuvara sezvakaita mwana wangu musikana, akadzoka akakuvadzwa negedhi pamuromo,” anodaro Tavengwa.

Chidhumira anoti haana shamwarikadzi asi kuti ane vakadzi vatatu uye akarova Tavengwa mushure mekunge amuwana aine murume mumba make manheru.

“Handiite zveshamwarikadzi, ndine madzimai matatu andakaroora. Musi waari kuti ndakamurova nekuputsira foni yake pasi, ndaive ndaenda kumba kwemukadzi wangu mukuru. Ndave kuda kudzoka kumba kwake ndakamufonera asi haana kudaira ndikasvika ndichimuwana aine murume mumba izvo zvakandipa hasha,” anodaro.

Chidhumira akaratidza dare nguwani yaanoti ndeyechikomba chaakawanikidza chiine mudzimai wake mumba make.

“Ndauya nenguwani yakasiiwa nemurume wandakawana mumba mangu achiti anodzidzisa mudzimai wangu kusimudza masimbi. Ndakashaya kuti aidei mumba mangu,” anodaro Chidhuma.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Tavengwa gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links