Uncategorized

Chikomba bara ‘chimoko’ chasanduka

10 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
Chikomba bara ‘chimoko’ chasanduka

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
MURUME wekuWaterfalls, muHarare, anonzi akazorova bara achitiza apo akaedza kusasana nemukadzi wemunhu asi ndokungoona hapana, hapana — mudiwa wake amera ruware.

Mudzimai akaroorwa uyu anotsinhira nezvekusiiwa ari oga apo chikomba chake chakamutiza zvichitevera mashura aya.

Mai Susan Moyo (47) — avo vakarondedzera nyaya yavo pachirongwa cheTilder Live chinobuda neChipiri panhepfenyuro yeStar FM – vanoti izvi zvinotevera kukiiwa kana kuti kupingwa nerunyoka kana kuti rukawo kwavakaitwa nemurume wavo, VaDavison Mushamba (54).

Mai Moyo vanoti chikomba chavo chisati chasangana nemiyedzo iyi, ivo naVaMushamba vakawirirana kuti vose vapingwe nerunyoka nechinangwa chekuti vasazoita zvegumbo mumba, gumbo kunze muwanano yavo.

Zvisinei nekuti aiziva kuti asotwa nerukawo, mukadzi uyu akazoda kuramba achifambidzana nechikomba chake chekare, icho chakazongoona ava ruware apo vainge voda kusasana.

Kunze kwekuona mudiwa wacho amera ruware kusikarudzi, chikomba ichi chinonzi chakaonawo zvimwe zvinotyisa apo chakada kushinha nemudzimai wemunhu uyu zvikaita kuti chiridze mhere nekubuda mumba chiri bara kutiza.

Zvinonzi VaMushamba nemudzimai wavo, Mai Moyo — avo vanogara kuGlen Wood, kuHatfield, muHarare — vakawirirana kuti vose vasungwe kana kuti kukiiwa nemumwe muporofita weJohane Masowe nechinangwa chekuti pahuviri hwavo pasawane anoita bonde kunze kwewanano.

Vaviri ava vakaroorana mugore ra1993 uye vane vana vashanu.

Mai Moyo vanotsanangura kuti mushure mekunge vabva kunoshandirwa namadzibaba uyu, rimwe zuva vakazoenda kumba kwechikomba chavaifambidzana nacho, icho chinogara kuWaterfalls, muHarare.

Vanoti vakazoshamisika pavakange voda kusasana nacho apo chikomba chakaona mukadzi uyu amera ruware.

“Murume wangu akarwara kwechipo chemakore matatu achirohwa nezvidhoma. Pose apa tainge tisingasasane mumba zvisinei nekuti ndinomuda uye ndichimupepa. Panguva iyi, ndipo pandakadanana nemumwe murume anogara kuWaterfalls.

“Baba vakazorapwa vakapora apo takazowirirana kuenda kunokiiwa tose kwamadzibaba izvo takaita muna Kukadzi gore rakapera,” vanodaro Mai Moyo.

Mukadzi uyu anoti apa akaramba achidanana nechikomba chake.

“Hazvina kutitorera nguva ini neshamwari yangu ndokuedza kuita zvisingaite, asi mumwe wangu akawana ndisina sikarudzi.

“Hamhenowo zvimwe zvaakaona. Akaridza mhere achisvetuka ndokunowira pasi negotsi. Akamuka ndokupfeka mbatya dzake achibva atiza mumba make achindisiya ndirere pamubhedha.

“Ini ndakazosara ndichirongedza zvinhu zvangu ndichibva ndavhara magonhi ndokudzokera kumba kwangu.”

Mai Moyo vanoenderera mberi vachiti: “Kubva ipapo chikomba ichi hachina kuzomboita shungu neni. Hatina kuzoonana kana kutaura tese.

“Ndakazoudza murume wangu nezvenyaya iyi akandiregerera, kusvika nanhasi tiri tose,” vanodaro Mai Moyo.

Mudzimai uyu anoti apfidza uye akabva asvipira pasi. VaMushamba vanotsinhira kuti vakaregerera mudzimai wavo.

“Pandairwara, ndaizviziva kuti mukadzi wangu aibuda mumba asi hapana zvandaigona kuita nekuti ndaingoda kuchengetwa uye handaikwanisa kufadza mudzimai wangu pabonde.

“Pandakapora, takazoenda kwamadzibaba tikasungwa tose asi iye akazoenda kuchikomba chake uko vakanobondera. Chikomba ichi chinonzi chakaona guyo nemamwewo masaramusi pamukadzi wangu,” vanodaro VaMushamba. Zvakadai, pane vamwe vakaroorana vanoti vari kuenda kunamadzibaba mumwe chete uyu vachinoshandirwa kuti vachengetedze dzimba dzavo kuburikidza nekuti pasawane anoita zvebonde kunze kwewanano.

Vamwe vanoti vakakiiwa nemuporofita uyu vanosanganisira VaWilson Muroiwa (30) nemudzimai wavo Elizabeth Muroiwa (26) avo vanogara kuMabvuku, muHarare.

“Murume wangu aiita zvepfambi achiuya kumba aneta. Akatombosvika pakudanana nemunin’ina wangu ndikavabatikidza. Takazoenda kwamadzibaba ava tikasungwa tose. Izvozvi hapana anoshanda kunze asi mumba medu chete,” vanodaro Mai Muroiwa.

VaMuroiwa vanotsinhira mashoko emudzimai wavo.

Share This:

Sponsored Links