Chikomba chaamai kudare

30 Jan, 2015 - 00:01 0 Views
Chikomba chaamai kudare

Kwayedza

Hardway Nyakuwarwa
MWANASIKANA akazvuvira chikomba chaamai vake kudare achida kuti chibhadhare mari yemendenenzi yekuchengeta munin’ina wake. Emma Nyasha Gwande akamhan’arira Vincent Mapeza achiti haasi kuchengeta mwana waakaita naamai vake vasati vashaika mugore ra2008. “Changamire wangu, murume uyu akaita mwana naamai vangu vasati vashaika asi ave kuramba kuchengeta mwana wake. Ndaipinda mumba ndichiona akavharirana naamai vangu muimba yemukati uye dzimwe nguva aigona kurara pamba pedu. Ndinokumbirawo dare kuti abvise $160 pamwedzi woga-woga yekuchengeta mwana wake.” akadaro Gwande .

“Amai vakandiudza vasati vafa kuti tisazonetsekana nekutsvaga baba vemunin`ina wangu vachiti anonzi Vincent Mapeza uyezve vakabva vandipa kero nenhamba dzenharembozha yake inova yaachinayo nanhasi.”
Zvakadaro, Mapeza akapikisana nemashoko aya achiti mwana uyu akange asiri wake.

“Ishe wangu mwana uyu handizivi kuti zvaari kutaura azviwana kupi nekuti takambonetsana naye amai vake vachiri vapenyu akaudzwa kuti handisini baba vemwana. Ini ndaigadzira dzimudzangara nechivhitivhiti chepamba pavo uyezve mumwe mupatya wangu ndiye airoja pamwe chete naamai vemusikana uyu nekudaro ari kundipomera mhosva yandisingazivi. Ndakagadzirira kuenda kunoongororwa kuti zvionekwe kana mwana uyu ari wangu. Iwe Gwande amai vako vaive pfambi hauzvizivi here? Usandinetsa, tsvaga baba vemunin`ina wako kwete ini,” akadaro.

Mutongi Trevor Nyatsanza akati Mapeza abhadhare $60 pamwedzi achimirira ongororo yekuti mwana uyu ndewake here kana kuti kwete.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>