Uncategorized

Chikomba tasa! . . . Vakadzi vaviri vonzi vakaponda

19 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
Chikomba tasa! . . . Vakadzi vaviri vonzi vakaponda Alista Machaka

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
Mukadzi wekuChitungwiza ari kumira mudare reko achitarisana nemhosva yekuponda chikomba chake achibatsirana nemukoma wake mushure mekunge vanetsana pazuva rekupemberera gore idzva.

Patience Nyikayaramba (25) wepanhamba 3870 Unit D nemukoma wake, Tarisai Nyikayaramba (28), vakamiswa pamberi pemutongi Yeukai Chigodora wedare reChitungwiza Magistrates’ Courts vachipomerwa mhosva yekuponda Alista Machaka (25) uyo ange ari chikomba chaPatience. Vaviri ava vanotarisirwa kudzoka mudare munguva pfupi inotevera apo vanenge vari mutirongo.

Patience anonzi ari kunzi akauraya Machaka nekumubaya nebanga pachidya chekuruboshwe achibatsirana naTarisai uyo anonzi akanga akabata mawoko emufi panguva yaairwiswa. Vose vaviri ava vari kuramba mhosva yavari kupomerwa. Muchuchisi Tendai Katonha akaudza dare kuti nomusi wa1 Ndira gore rino munguva dzemangwanani, Machaka akaenda kumba kwaPatience uko vakanetsana zvikaita kuti Machaka agumisire atora banga raive mumba umu achida kubaya Patience.

Patience anonzi akazosaidzira Machaka achida kuti amubvutire banga iri achibva azomubaya pachidya chekuruboshwe, izvo zvakaita kuti arasikirwe neropa rakawanda ndokubva afa achangosvika pachipatara cheChitungwiza Central Hospital. Banga riri kunzi ndiro rakashandiswa kubaya mushakabvu rakaburitswa mudare seumboo.

Patience anoramba mhosva yaari kupomerwa achiti: “Handibvume mhosva iyi. Mufi akauya kumba kwangu kuma 5 makuseni ndikamuudza kuti abve sezvo hama dzake dzakanga dzisingadi kuti tirambe tichidanana asi iye akaramba. Akabva andidzipa pahuro nemawoko ake ose.

Patience Nyikayaramba

“Sisi vangu Tarisai vakaedza kurandutsira asi akabva atora banga achida kundibaya ndichibva ndatanga kurwisana naye ndichida kutora banga riya. Asi ndakazoona banga rawira pasi, sisi vangu vakarinhonga asi iye akanga atobaiwa pachidya.”

Tarisai ari kurambisisawo mhosva yaari kupomerwa achiti haana kubaya Machaka nebanga asi kuti aitoedza kurandutsira vaviri ava kuti vasarwe.

“Alista akanga akadzipa pahuro paPatience nemawoko maviri achibva atora banga raiva muroom divider achiti, ‘Chichauraya ini ndochichauraya iwewe, uri kuita chipfambi uchiyamwisa mwana wangu’.

“Ndakabva ndatora vana ndokuvaburitsa panze ndichiridza mhere ndichiti vaviri ava varegere kurwisana. Patience akabva abuda panze asi vakaramba vachirwisana apo Patience aiedza kutora banga raive naAlista,” anodaro Tarisai.

Anoenderera mberi achiti pakupedzisira akazongoona banga radonhedzwa pasi achibva arinhonga achiitira kuti vaviri ava vasakuvadzana.

“Ndipo pandakazoona kuti mufi akanga atobaiwa nebanga iri pachidya chekuruboshwe. Ndakaedza kufonera hanzvadzi yangu kuti iuye imutakure kuenda kuchipatara asi foni yangu yakabva yangopera moto. Ndakaedza kumhanya kunotsvaga motokari asi ndakarambidzwa nevanhu vaifunga kuti ndaida kutiza,” anodaro Patience.

Share This:

Sponsored Links