Chikoro chekuGuruve choda rubatsiro

28 Sep, 2018 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Cletus Mushanawani ari kuGURUVE
Siyalima Primary School chikoro chiri kuGuruve, kuMashonaland Central — icho chakapihwa makombiyuta 20 nemutungamiri wenyika President Mnangagwa nguva pfupi yadarika — hachisati chave kuashandisa nekuda kwekushaya zvivakwa zvakati tsvikiti.

Makombiyuta aya akachengetwa mune imwe kamuri uye komiti yeSchool Development Committee yepachikoro ichi iri kutsvaga rubatsiro rwekuti ivakise makirasi ekuti vana vadzidzire makombiyuta aya pamwe nelaboratory.

VaEdmore Bishi, avo vanova sachigaro weSDC pachikoro ichi, vanoti vana havazi kudzidza zvakanaka sezvo pasina dzimba dzekufundira pamwe nemahofisi akanaka.

Chikoro ichi — icho chine vana 550 — chakapihwa makombiyuta naPresident Mnangagwa munaKukadzi gore rino. “Tinotenda zvikuru nemakombiyuta akapihwa kuchikoro chedu naPresident Mnangagwa. Asi hatisati tave nelaboratory yemakombiyuta aya nekuda kwekushaya mari.

“Chikoro chedu chidiki uye vabereki vakawanda vanototambura kubhadhara $12 pamwana yefizi. Tinoda kuvakisa makirasi asi dambudziko guru nderekushaya mari.

“Zvimbuzi zvedu pamwe nehofisi yemukuru wechikoro zvinoda kuvandudzwa zvakare,” vanodaro VaBishi. “Sezvo chirongwa chedu chemadiridziro eSiyalima chave mucherechedzo wakanaka, tichange tichitambira vashanyi vakawanda pachikoro pano. Hatina zvivakwa zvakanaka zvekuisa vaenzi uye kana tikavakisa dzimba itsva, tinenge tagadzirisa dambudziko iri.”

Vanoti dzimba dzematicha dzinodawo kuvandudzwa uye vanotenda varairidzi vepo nekuzvipira pabasa ravo, zvisinei nemamiriro ezvinhu asina kunaka.

“Vari kushingirira kuita basa ravo zvinhu zvakaoma kudaro. Tine varairidzi vasere pachikoro chino uyewo Grade 3 yedu yave nemakirasi maviri,” vanodaro VaBishi.

Vanoti vabereki vepachikoro ichi vakazvipira kushanda nevanoda kubatsira kuti chisimukire.

“Kana tikawana rubatsiro rwemari, takazvipira kukanya zvidhinha nekushanda panenge pachivakwa. Mwoyo yedu inorwadza kuona vana vachidzidzira muzvivakwa zvisina kuti tsvikiti,” vanodaro.

VaBishi vanorumbidzawo kambani yeNetOne nekuisa kwayakaita bhesi remasai-sai enhare pachikoro chavo. “Kwakange kusina masai-sai enhare kuno. Tinotenda NetOne nekutibatsira kwayakaita. Tave kukwanisa kudyidzana nepasi rose. Kare, taitokwira pamusoro pemakomo kana toda kuchaya nhare,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>