Chikoro chekuUzumba chakaparadzwa nedutu

13 Mar, 2015 - 13:03 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MVURA yaive nedutu guru yakaparadza matenga edzimba dzekudzidzira pamwe nedzevarairidzi zvinokosha $3 000 pachikoro cheMusanhi Primary School, kwaNyajina kuUzumba nguva pfupi yadarika.Mai Gladys Pingari (54), avo vanova nhengo yekomiti, yeSchool Development Association (SDA) pachikoro ichi, vanoti kuburikidza nekuparadzwa uku, vana vave kudzidzira pasi pemiti sezvo makamuri akanaka ekufundira ave mashoma.

“Dzimba dzekudzidzira dzakaparadzwa dzinosanganisira dzeGrade 2, 3 ne4 uye izvi zvakaitika musi weMugovera wakadarika pamberi.

‘‘Mhanza yedu kuti yaiva ‘weekend’ vana vasipo, pangadai pakakuvara vamwe sezvo marata nemapuranga akasimudzwa achinokandwa chinhambwe,” vakadaro Mai Pingari.

Mashoko avo akatsinhirwa neimwe nhengo yekomiti, Mai Susan Tamangani (55), avo vakati vari kutsvaga rubatsiro zvichitevera dambudziko rakavawira iri.

“Takazongoshevedzwa tichinzi denga rechikoro ratorwa. Kumamwe makamuri anodzidzirwa, mariji chete ndiwo akabviswa.

‘‘Tinotsvagawo rubatsiro rwemapuranga nemarata nezvipikiri kuti tikwanise kuturikira dzimba idzi,” vakadaro.
Vanoti vanoda mari ingangosvika US$3 000 yekutenga midziyo yekuturikisa dzimba zvakaparadzwa izvi.

“Pakatorwawo imba yemudzidzisi uyo aisavapo mvura iyi ikaparadza midziyo yake, mabhuku evana ekuverenga neekunyorera,” vakadaro.

Chikoro ichi chine vana vanodarika 600. Vanoda kubatsira chikoro ichi vanogona kuridza nhare panhamba dzinoti 0775 914 803 votaura naMai Manhanga.

 

 

 

 

 

 

 

 

 

 

 

 

 

 

 

 

 

 

 

 

 

 

 

 

 

 

 

 

 

 

 

 

 

Share This:

Sponsored Links