Chikoro chemabasa emawoko

08 Jul, 2016 - 00:07 0 Views
Chikoro chemabasa emawoko Chikoro chemabasa emawoko cheSiabuwa Vocational Training Centre icho chiri kuvakwa kuBinga. — Mufananidzo: Shelton Muchena

Kwayedza

Chikoro chemabasa emawoko cheSiabuwa Vocational Training Centre icho chiri kuvakwa kuBinga. — Mufananidzo: Shelton Muchena

Chikoro chemabasa emawoko cheSiabuwa Vocational Training Centre icho chiri kuvakwa kuBinga. — Mufananidzo: Shelton Muchena

VANA vechikoro nevamwe vagari vekudunhu raMambo Siabuwa, kuBinga, vanotarisirwa kubatsirikana zvikuru nekudzidziswa mabasa emawoko pane chimwe chikoro chiri kuvakwa kudunhu iri.Chikoro cheSiabuwa Vocational Training Centre chave kutopera kuvakwa uye chinotarisirwa kutanga kushanda munguva pfupi iri kutevera chichipa zvidzidzo zvakaita sezvekuveza, kuvaka, kugadzira motokari pamwe nekupfuya zvipfuyo zvakaita senguruve.

Mambo Siabuwa, VaRobertson Sibanda (50), vanoti kuvakwa kwechikoro ichi chiratidzo chebudiriro huru munyaya yedzidzo mudunhu ravo.

Vanoti hurongwa hwekuvakwa kwacho hwakatanga kare asi hwaitadza kuzadzikiswa nekuda kwekushaya mari nezvimwe zvekushandisa.

“Mushure mekuona kuti taiva nedambudziko guru rechikoro chemabasa emawoko kwemakore akawanda, takazoronga kuti vabereki muno tiunganidze zvishoma zvatiinazvo ndokuzopindirawo vanobatsira vakazvimirira zvazoita kuti chikoro ichi chimire kudai,” vanodaro Mambo Siabuwa.

Mambo Siabuwa

Mambo Siabuwa

Vanorumbidza zvikuru vagari vemudunhu ravo vavanoti vakazvipira munyaya yekuvakwa kwechikoro ichi zvisinei nedambudziko guru renzara ravakatarisana naro.

“Vabereki muno vakaunganidza zvinhu zvinosanganisira jecha nezvimwe nemari shoma apo rimwe sangano rakazvimirira rakazounzawo simende, marata, mapuranga zvipikiri nezvimwewo chikoro ichi ndokutanga kuvakwa vabereki vachiita basa. Vadzidzi, vanosanganisira vechikuru, tinotarisira kuti vachabatsirikana nekuwana mukana wekuita zvidzidzo zvemabasa emawoko,” vanodaro Mambo Siabuwa.

Vanotizve kune vamwe vadzidzi vari kushaya zvekuita mushure mekupedza Form 4 kana 6.

“Tine vamwe vana vanokunda muzvidzidzo zvavo muForm 4 kana 6 asi voshaya kuti voita chii muno nekudaro tava nechiedza nekuda kwechikoro chemabasa emawoko ichi.”

Panyaya yemagetsi ekuti azoshandiswa pachikoro ichi, Mambo Siabuwa vanoti harisi dambudziko sezvo mutaundishipi yeSiabuwa umo machakavakirwa muine magetsi kare.

Vanoti dunhu ravo rakasaririra zvikuru munyaya dzedzidzo.

“Ikurudziro yangu kuti vana vose vemudunhu mangu vashinge munyaya dzedzidzo sezvandakaita ini nekuti ndiri mumwe wevarairidzi vanobva muno uyewo ndinodzidzisawo muno. Saka pandiri ndipo pane mucherechedzo wose, ini samambo ndichashanda zvakaomarara kuti vana vemuno vawane dzidzo yakangofanana nevedzimwe nzvimbo dzose dzenyika,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links