Chikoro chitsva kuBinga

10 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
Chikoro chitsva kuBinga VaTsuro Bore

Kwayedza

Daphne Machiri
SANGANO reActionAid Zimbabwe riri kuita mabasa makukutu ekusimudzira dzidzo munyika zvichitevera kuvakisa kwariri kuita zvikoro kumativi mana enyika uye nguva pfupi yadarika rakavakiswa chimwe chikoro kuBinga pasi pechirongwa charo cheGender Responsive Public Service Initiative (GRPS).

ActionAid yakavakisa chikoro cheNjobola Primary School kuBinga icho pachakange chisati chavakwa, vana vaidzidzira mudzimba dzemapango dzakapfirirwa nehuswa.

Mukuru anoona nekuvandudzwa kwedzidzo kuActionAid Zimbabwe (Sponsorship Manager Zimbabwe), VaTsuro Bore, vanoti kusvika pari zvino, sangano ravo ravakisa zvikoro munzvimbo dzinosanganisira Nyanga, Makoni, Hwedza, Nkayi, Binga, Kariba nekuMbire.

Chikoro chitsva cheNjobola Primary School

VaBore vanoti ActionAid Zimbabwe yakavaka chikoro chekuBinga vakabatana nesangano reBasiliwizi.

“Tava nemakore anosvika masere tichishanda tose mudunhu reBinga umo matinenge tichivandudza dzidzo nezvimwe zvinosanganisira kodzero dzevanhukadzi nekucheresa zvibhorani,” vanodaro VaBore.

Vanoti zvakakosha kuti vana vadzidzire pakanaka uye kuti varairidzi vagarewo mudzimba dzinoyemurika.

“Dzimba dzekudzidzira dzinofanirwa kunge dzichikwana uye dzakasimba zvekuti zvinhu zvakaita semafashamu kana mhepo zvisakanganisa zvikoro,” vanodaro VaBore.

Vanoti paNjobola Primary School, sangano ravo rakavakisa mipanda yedzimba dzekudzidzira mana pamwe nedzimba shanu dzevadzidzisi.

“Varairidzi kuti vadzidzisewo nechido, takaona kuti vanodawo pekugara pakanaka, zvichireva kuti vana vechikoro nevadzidzisi vavo vanoda nharaunda yakanaka,” vanodaro.

Vanoti donzvo ravo nderekuti mwana wose awane dzidzo munyika sezvo iri kodzero yake yekuenda kuchikoro.

“Tinotevedzerawo zvisungo zvinosanganisira bumbiro remutemo renyika rine chisungo chinoti mwana wose anofanirwa kuwana dzidzo. Pamusoro pezvo, tinotevedzerawo zvimwe zvisungo zviri pamusoro pekodzero dzevana zvakadai seUN Convention on the Rights of Children neAfrican Charter on the Rights and Welfare of the Children.”

Chikoro chitsaru cheNjobola Primary School

VaBore vanoti muzvikoro hamufanirwe kuva nerusarura.

“Vana vechikoro ngavawane dzidzo zvisinei nerudzi, chinamato kana mutauro wavo nekuti dzidzo inhaka,” vanodaro. Vanoti sangano ravo riri kutsigira zvakare chirongwa chakavambwa neHurumende chekupa vana vechikoro zvekudya, cheSchool Feeding Programme.

“Chirongwa ichi chakanaka chose, chiri kubatsira mukuvandudza dzidzo nekuda kwekuti vana havacharovha chikoro. Chiri kuderedza zvakare kusiiwa kwechikoro panzira nevamwe vana uye kuvanasikana zviri kuderedzawo kuroodzwa kwavo vari vadiki,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links