Chikoro chitsva kuSelous

12 Oct, 2018 - 00:10 0 Views
Chikoro chitsva kuSelous Prof Mavima

Kwayedza

Fortunate Gora
VANA vepaAmbuya MaFuyana Primary School, kuSelous, vava kuzosiya zvekufundira mumadhirihora efodya zvichitevera kuvakwa kwedzimba itsva dzekudzidzira pachikoro ichi.
Makirasi aya akavakiswa namuzvinhabhizimisi wemuHarare, VaIssac Levy.
Vachitaura svondo rapera mushure mekumema chikoro ichi – icho chaimbonzi Selous Primary School kare, gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, vanorumbidza VaLevy nekuzvipira kwavo mukubatsira chikoro ichi.
Chikoro chitsva ichi chichange chiine mabhuroko manomwe emakirasi apo bhuroko rimwe nerimwe riine makamuri maviri.
“SeHurumende, tinorumbidza zvikuru VaIssac Levy avo vange vachishanda kuburikidza nemumiriri wedare reParamende weChegutu East, VaWebster Shamu, mukuvakwa kwechikoro ichi kubva muna2014. Izvi zvinoita kuti pave nezvinobatika muchikamu chedu chedzidzo,” vanodaro Prof Mavima.
Makirasi akavakwa aya akatoiswa magetsi uye zvimbuzi zvakatopera.
VaLevy vanovimbisawo kuvakisa imba yemukuru wechikoro ichi.
Prof Mavima vanoti chido chaVaLevy chaita kuti Hurumende ive nehurongwa hwekutanga kuvaka sekondari yeAmbuya MaFuyana Secondary munaNdira wegore rinouya.
Danho iri, vanodaro Prof Mavima, richarerutsira zvikuru vana vechikoro avo pari zvino vari kufamba nzendo refu dzinosvika makiromita 15 kuenda kuzvimwe zvikoro zvesekondari.
Vanotizve nedonzvo rekubatsirana nemabasa makuru ari kuitwa naVaLevy, bazi ravo rine hurongwa hwekuvakisa dzimba ina idzo dzichagara varairidzi vana nemhuri dzavo.
Mukuru wechikoro ichi, VaBoniface Deshe vanorumbidza VaLevy naCde Shamu nerubatsiro rwavari kuvapa.
“Takawana midziyo yakawanda yekushandisa mukudzidza kubva kwavari izvo zvaona kupasa kwevana vedu kuchisimukira kubva pa12 percent kuenda pa27 percent,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey