Chikwata chevechidiki chotsvaga rubatsiro

07 Dec, 2018 - 00:12 0 Views
Chikwata chevechidiki chotsvaga rubatsiro

Kwayedza

Kingstone Mapupu
CHIKWATA chevechidiki chemusambo wechitendero cheCCAP Mufakose Voices chemuHarare chinoti chakatarisana nematambudziko makuru ekushaya midziyo yekuridzisa uyewo nemari yekufambisa pakuita mashoo izvo zviri kudzosera basa racho kumashure.

Nhengo dzechikwata ichi vakomana vechidiki vanonwe vanova vanamati vechechi yeCCAP Mufakose uye vanotungamirirwa naHenry Chirwa uyo anonyora nziyo achibatsirana naAndrew Chirongo.

Mumwe wechikwata ichi, Donald Tsveta (17) anoti chakaumbwa mugore ra2011 vachibatsirwa nechikwata chine mukurumbira wekuimba nziyo dzechitendero cheCCAP Voice of Mbare.

CCAP Mufakose Voices kusvika parizvino yabura madambarefu maviri uye rekutanga rinonzi  Chikondi iro rine nziyo shanu.

“Nhangaruvanze padamabarefu iri ndiChikondi zvinoreva rudo, apa takaimba nerurimi rwechiNyanja. Dzimwe dzacho taisanganisa neShona zvakare nedzimwewo ndimi. Kambo aka takakatsikisa mugore ra2012,” anodaro Tsveta.

Dambarefu rechikwata ichi rechipiri rinonzi Baba Ndiri Mwana Wenyu iro rine nziyo shanu zvakare.

“Tinoimba nekuridza magitare, hosho nemabhosvo mukuimba kwedu. Sezvo tisina chatinanacho, tinoita midziyo yekuimbisa yekuhaya kubva kune vanazvo tichibhadhariswa mari yakawanda zvikuru. Saka chaiva chikumbiro chedu kuti tiwane anotibatsira kuti tiwane midziyo iyi,” anodaro Tsveta.

Dzimwe nhengo dzechikwata ichi dzinoti Dell Joseph, Desmond Dzunda, Elvis Chirwa naIan Gutsi.Vazhinji venhengo dzechikwata ichi vachiri kuenda kuchikoro.

“Sezvo tisina mari inokwanirana yekuhaya mahoro tinoitira nziyo dzedu muchechi yedu kuMufakose. Chechi yedu hainawo mari zvekuti ingadai ichitibatsira pakunotsikisa. Izvozvi tinawo madambarefu maviri akamirira kuti tiwane mari tiende kumastudios kunotsikisa,” anodaro Tsveta.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>