Chikwereti cheCadetship chava $62m: Gandawa

28 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
Chikwereti cheCadetship chava $62m: Gandawa

Kwayedza

Tandayi Motsi —
HURUMENDE iri kushanda nesimba kuti ibhadhare chikwereti chemari inosvika $62 miriyoni yevadzidzi vanobatsirwa pasi pechirongwa cheCadetship, avo vari kuita zvidzidzo zvakasiyana kumakoreji nemayunivhesiti munyika.

Mashoko aya akataurwa nemutevedzeri wegurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kwemichina, Dr Godfrey Gandawa, mudare reNational Assembly nguva ichangodarika. Dr Gandawa vaipindura mubvunzo wemumiriri weBulawayo East mudare iri, Muzvare Tabitha Khumalo, avo vaida kuziva kuti sei kubvira pakatanga chirongwa cheCadetship, vadzidzi vasiri kubhadharirwa mari dzavo dzefundo.

“Kubvira chirongwa ichi chichitanga, mari yevadzidzi haisati yabhadharwa. Chii chinoitika kana mari iyi ikasabhadharwa uye chii chinokanganisika?

“Semuenzaniso, bazi redzidzo yepamusoro rine chikwereti che$2 miriyoni kuNUST (National University of Science and Technology)” vanodaro. Dr Gandawa vanoti Hurumende ine chikwereti chemari inosvika $62 miriyoni iyo inofanira kubhadharirwa vadzidzi kumakoreji nemayunivhesiti akasiyana munyika.

“SeHurumende, takaisa nyaya iyi kubazi rinoona nezvehomwe yenyika kuti rione kuti mari iyi yabhadharwa sezvo riri basa ravo. Harizi bazi redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kwemichina rinofanira kubhadhara mari iyi asi kuti bazi rinoona nezvehomwe yenyika ndiro rinofanira kubhadhara zvikoro zvedzidzo yepamusoro izvi,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tinonzwira hurombo zvikoro zvedzidzo yepamusoro izvi nekuti chokwadi zvinoda mari yekushandisa. Tiri kutaura nebazi rinoona nezvehomwe yenyika. Pari zvino riri kubhadhara US$30 000 pamwedzi woga-woga yekubatsira zvikoro izvi kusvikira chikwereti ichi chabhadharwa chose.  Tinoziva kuti mari iri kubhadharwa iyi pamwedzi haikwane, asi seHurumende, tinonzwisisa matambudziko aripo nekudaro tiri kuagadzirisa.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey