Uncategorized

Chimanda: Kutenda humhandara

11 Jan, 2019 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu
KUBVA kare, kana musikana akaroorwa achiri mhandara, anobvisirwa mombe inonzi yechimanda iyo inopihwa kuvabereki vake nemukuwasha.Mombe iyi inonzi inzira yekutenda kuti vabereki vakagona kuraira mwana wavo kuti asvike pakuwanikwa akazvichengetedza — pasina murume waanenge ati arara naye.

Kuchengetedza humhandara hwemusikana chinhu chagara chichipembedzwa zvikuru — kare humhandara ndicho chinhu chaiita kuti unzi musikana.

Kare ikako, musikana kuwanikwa asiri mhandara zvaitonyadzisa uye aizova chiseko kumhuri — kwaaberekwa nekwaaroorwa.

Musikana kuwanikwa nemurume amuroora akabva humhandara zvaiswera zvazara kuhama dzake.

Kana amai vemwana uyu havairidya rinopisa baba vapenga. “Ndiudze, ndiwe amai vacho, sei mwana wako asiri mhandara?” vamwe vana baba vaigona kubvunza madzimai avo vachidaro.

Kune avo vaiwanikwa vasiri mhandara, kune zvaiitwa sekutumira jira nemunyai kuvabereki vemusikana iro rinenge rakaboorwa pakati nechitsiga chemoto kana kuti rakasungirirwa mari pakati.

Kana dai zvakadaro, zvaitoda kuzivikanwa kuti ndiyani akabvisa humhandara.

Kareko, chaive chidadiso kuti mwanasikaana aroorwe ari mhandara nekudaro vanatete nanambuya vaitopinda basa kuraira vasikana kuti vazvichengetedze kuitira kuti vasazonyadzisa vabereki.

Zvimwe zvacho zvichiriko nanhau uno.

Asi tsika yekuti mwanasikana azvichengetedze nekuzobviswa kwemombe yechimanda zvichiri kunyanyotevedzwa here makore ano?

Kwayedza yakaita tsvakirudzo pamusoro penyaya iyi ndokunzwa pfungwa dzeruzhinji.

VaTito Nyamweda (40) vemubhuku raDhodhi, kwaNyamweda, kuMhondoro, vanoti kune varume vari kuramba vachibvisiswa mombe dzechimanda asi musikana asiri mhandara hunova hudyire huri pachena.

“Isu varume vechidiki taoneswa nhamo nekuroora vasikana vasina kuzara. Pamusoro pazvo, vabereki vavo vanoda mombe yechimanda vachifunga kuti vanasikana vavo vanenge vari mhandara asi ivo vasiri. Saka tinoti mombe yechimanda ngaibviswe zvachose palist rekuroora nekuti vasikana mhandara hakusisina, kunyeperana kwega kwega,” vanodaro.

Vanoti mazuva ano, varume vazhinji havataure kuvabereki vevasikana vavanoroora kuti vanenge vavawana dziri mvana, nekudaro vanobvisa mombe yechimanda vaine kugunun’una. Zvimwe zvacho zvinotadzisa vakaroorana kugarisana zvakanaka mumba.

“Iwo madzimai edu aya kana wave kuda kunoroora, anokukumbira kuti usadure nyaya iyi. Pamwe pacho unotopihwa mari yacho yekutenga mombe yechimanda naivo vakadzi vedu nevharamuromo kuti vasanyare pamberi pevabereki vavo kuti vakashinha nevamwe varume vasati varoorwa. “Saka mombe yechimanda ngairege kubviswa nekuti ndikaibvisa ndicharamba ndichituka mukadzi kuti ndakabvisira mombe iyi mahara,” vanodaro.

Vanoti mhandara dzaiwanikwa kare, kwete zvino. Mai Bella Famba (38) vekumaJubheki vekuMbare, muHarare, vanoti mombe yechimanda haisisina chiremerera nekuti ari kuroora wacho nemusikana wake vanowirirana kuti chokwadi chisataurwe chekuti awana musikana wake yava mvana. Saka inobviswa varume vachitsutsumwa.

“Chikamu chikuru chevasikana vave kuroorwa vasisiri mhandara saka mombe yechimanda ngairege zvayo kubviswa. Kudzvanyirira varume kwakaipa. Murume akakuwana usiri mhandara haambofa akava nemufaro mumba menyu, anogara achingofungira nekuti kazhinji vanhu vakamboshinha vose havasiyane.

“Ini ndakaroorwa ndiri mhandara murume wangu kunyangwe akabuda kunze, anodzoka achikumbira ruregerero nekuti anoziva kuti ndini mudzimai wake chaiye,” vanodaro.

Vanoti mukadzi awanikwa ari mhandara ngaabvisirwe mombe yechimanda asi uyo anenge asiri orega kubvisirwa.

“Nyaya iya yekuti mudzimai akawanikwa asiri mhandara kunotengwa jira jena roboorwa nepakati rozoendeswa kuvabereki vemusikana riine cent rakabooka pakati ngaidzoswe kuitira kunyadzisa vanasikana vanoshereketa nevakomana vasati varoorwa,” vanodaro.

Kuchiti Sandara Matiza (29) wekuUshewokunze, muHarare zvakare, anoti mombe yechimanda ngaichirega kubviswa nekuti vasikana vazhinji vave kunyepera vakomana vavo kuti imhandara.

“Vamwe vakomana vemazuva ano havana ruzivo, saka vanonyeperwa kuti musikana imhandara iye asiri. Tingati 99 percent yevasikana vari kuroorwa mazuva ano imvana vanenge vakaziva varume kare. Saka mombe yechimanda ngaisataurwa nezvayo,” anodaro.

Anoti vamwe vasikana vanoguma vave kubvisa ivo mombe yechimanda nerweseri vachipa vakomana vavo kuti vape vabereki vavo nekuti ndivo vanenge vakamhanyira kuda kuziva varume.

Obvunzwa kuti iye akabvisirwa here mombe iyi, anoramba kubuda pachena.

“Uko kwave kumakata, nhaimi hatina kubvisirwa mombe idzi. Izvozvi vangu amai vari kutodawo mombe yechimanda iyi kubva kwandiri mwana wavo,” anodaro.

Letwin Kanguni (35) wemuHarare anotiwo kudai mombe yechimanda yarega zvayo kubviswa achipa chikonzero chekuti vamwe vasikana vave kushinha nevakomana vasati varoorwa.

“Kana waita mhanza yekuroorwa usiri mhandara, chirega kunetsa murume wako, bvisa woga mombe yacho yechimanda wopa vabereki vako. Kune vamwe varume vanovhundutsirwa kuti ukangotaura chete nyaya yekuti handisi mhandara ndinokuramba, anobva atya obvisa mombe iyi muchinyararire iye achiziva kuti aroora mvana,” vanodaro.

Vanoti kana mwanakomana wavo akangobvisira mombe yechimanda kumusikana asi vakazozviziva kuti akange asiri mhandara, vanoenda kunoitora zuva rakacheka nyika.

Diana Chemusanga (33) wemubhuku raManhanzva, kuMhondoro, anotiwo mombe yechimanda inofanirwa kuramba ichibviswa nekuti varume vazhinji vanobvisa humhandara vasikana vavasingazoroora.

“Nyaya iyi i50-50, akandiwana ndisiri mhandara ngaabvise chete mombe yechimanda nekuti iye ane vakawanda vaakabvisawo humhandara vachizoroorwa nevamwe varume.

“Dai zvichinzi vose vavakabvisa humhandara vachibvisirwa mombe dzechimanda nemurume mumwe chete, vamwe vaipedzesa mombe dzevabereki vavo. Saka hazvina mhosva musikana imhandara kana kuti haasi, mombe yechimanda ngaibviswe chete,” anodaro.

Sekuru Friday Chisanyu, avo vanove nyanzvi yezvechivanhu, vanoti vanasikana vazhinji vave kuroorwa vabviswa humhandara asi votsvaga nzira dzekunyepera varume vavo vachizviti imhandara.

“Pane mishonga yekudzora nyama dzevanhukadzi dzakavandika inozivikanwa nekuti midzora. Vamwe vakadzi vanopfeka nekugeza mishonga iyi zvekuti vamwe varume vanotogutsikana kuti varoora mhandara,” vanodaro.

Vanoti zvave kunetsa kuti vakomana vari kuroora mazuva ano vazive kuti vasikana vavo imhandara here kana kuti kwete nekuti vazhinji vacho havana zvavanoziva.

Asiwo, zvinofanirwa kuzivikanwa kuti kune mimwe mitambo yakaita sekusvetuka kana kuchovha mabhasikoro iyo inogona kubvisa musikana humhandara. Naizvozvo hazvireve kuti kusasngana nemurume bedzi ndiko kunobvisa humhandara.

Share This:

Sponsored Links