Chimoko chobvarura mabhurugwa

27 Jul, 2018 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa

MURUME wekufurufushwa neshamwarikadzi yake – iyo anoti inomutevera kubasa ichimubvarura matirauzi pamberi pevaanoshanda navo zvichiita kuti asare akashama – akazopotera kudare.

Munyaradzi Muchena akaendesa Nicole Williams kuHarare Civil Court achiti atambura nezvaanoitwa.

“Changamire, ndauyawo nemukadzi uyu kuno kuti mundibatsirewo, ndanzwa nekushungurudzwa. Anouya kubasa kwangu achindituka uye kutuka mukadzi wangu achimutyisidzira. Zvakare, ari kuramba kubva pamba pangu paakauya kuzogara nechisimba kusvika mukadzi wangu andisiya,” anodaro.

“Mukadzi uyu ane mhirizhonga. Akambouya kubasa kwangu akandirova uye kubvarura bhurugwa rangu ndikasara ndakashama pane vanhu. Ndakamuudza kuti abve pamba pangu ndinomutsvagira kwekugara kusvika azvara asi haasi kuda,” anodaro Muchena

Williams anopikisana naMuchena achiti ari kunyepera dare.

“Anonyepa, akarambana nemukadzi wake kare kare. Ndakamuudza kuti ndadzingwa kumba nekuda kwenhumbu, ndipo pega pandakaenda kubasa kwake ndichida kuenda kumba kwake.

“Iye ndiye anotondishungurudza nekundirova nenhumbu iyoyi, nhamba dzemukadzi wake handitombodziziva,” anodaro Williams.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Muchena gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>