‘Chimoko’ chogara pasiti ramadhamu

19 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
‘Chimoko’  chogara pasiti ramadhamu court

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa
Mumwe mudzimai akachema-chema mudare redzimhosva achiti ari kutambudzwa zvikuru nekatsika kemurume wake uyo waanoti anogarisa shamwarikadzi yake pasiti remota raanofanira kugara iye. Wadzanai Makanya akataura mashoko aya muHarare Civil Court mushure mekunge amhan’arira Tichaona Maruta.

“Mambo wangu, ndinoda gwaro redziviriro nekuti handisisina mufaro muupenyu hwangu. Murume wangu anondishungurudza zvakanyanya, ndinorohwa nekutukwa kana ndichinge ndamukumbira mari yekuchengeta vana.

“Dzimwe nguva anondisaidzira panze mota ichifamba ndodonha. Izvozvi vana vangu akanovapa kuna amai vake achiti haadi kundipa chikafu chevana ivava,” anodaro.

“Ndiri kuda vana vangu vaakaba uye kuti tigovane zvinhu asi iye haasi kuda achiti zvinhu hazvisi zvangu, ndezvake. Chinonyanya kundirwadza ndechekuti anouya kumba nechimoko chake chakagara pa‘mother seat’ mumota ini ndiripo, osvikondituka uye chimoko ichi ndicho chinotenga hembe dzevana. Ari kutogara kushamwarikadzi yake iyoyo,” anodaro Makanya.

Maruta anoti haapikisane nechikumbiro chemudzimai wake.

“Mupei zvaanoda handipikise,” anodaro. Mutongi Larzin Ncube akapa Makanya gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>