Uncategorized

Chimoto chemba yenhaka

12 Oct, 2018 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa

CHIREVO chinoti pfuma yenhaka inoparadza ukama chinozadziswa nenyaya yevanakomana vaviri avo vari kurwira sitendi yakasiiwa nababa vavo vanova mushakabvu zvekusvika pakuchekana nemapanga.

Aurthur Katamba akamhan’arira mukoma wake, Peter, kudare reHarare Civil Court achimupomera mhosva yekumuitira mhirizhonga.

Aurthur anoti Peter anogara achimurova nekumutuka.

“Uyu mukoma wangu changamire, asi chaanondirwisira handichizve. Baba pavakafa, vakasiya sitendi uye ndini ndakazoivaka. Iye anofurirwa nanatete kuti andirwise.

“Pakashaya baba, iye akatiza kumba asi ava kuuya achiti anoda kugara pamba apa. Izvozvi kava kechipiri achindibaya nebanga uye kurohwa ndanzwa, nyaya iyi itori kumatare kutaura kuno,” anodaro Arthur achiratidza dare vanga raanoti akachekwa nebanga naPeter.

Peter anopikisana nezviri kutaurwa nemunin’ina wake achiti ari kunyepera dare.

“Anonyepa, ini handimurove iye ndiye akatondirova nemboma uye itori kumapurisa seumboo. Anodzinga munhu wose pamba pasiri pake. Kutaura kuno ndiri kugara mutende pamba ipapo iye achigara mumba nevakadzi vake.

“Akaba mari yababa payakabuda akavaka imba iyi, saka nditoriwo muridzi wepo. Haandidzinge,” anodaro Peter.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Aurthur gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links