China yotsigira kurima muZim

21 Dec, 2018 - 00:12 0 Views
China yotsigira kurima muZim

Kwayedza

Munyori weKwayedza
VAKAFANOBATA chigaro chemumiriri weChina munyika muno VaZhao Baogang vanoti vakazvipira kusimudzira mabasa ekurima muZimbabwe sezvo kurima kuri iko musimboti webudiriro yehupfumi hwenyika.

Vakataura mashoko aya svondo radarika muguta reHarare pagungano rekunyorerana pasi chibvumirano chemushandirapamwe pakati pekambani yemuno inogadzira midzanga yefodya yePacific Cigarette Company (PCC) neChina Tobacco Shaanxi Industrial Corporation (CTSIC) yekuChina.

Ichi chibvumirano chekutanga chemushandipamwe chakaona CTSIC ichinyorerana nekambani yemuAfrica mukugadzira fodya yemhando yepamusoro yemidzanga yeAcacia Series.

VaZhao vanoti hushamwari pakati peZimbabwe neChina hwakasimba uye hwakabvira kare-kare.

“Isu neZimbabwe tinofambidzana, tinotsigira zvirongwa zvenyika ino yeZimbabwe uye ticharamba tichishanda pamwe. Zvakawanda zvatiri kuita muno.

“Nhasi tiri pano kupembera kuparurwa kwefodya yeAcacia Series iyi iyo yakagadzirwa nePCC vachibatsirwa nekambani inotungamirirwa neHurumende yeChina. Zvinorakidza kubatana kwenyika mbiri dzedu,” vanodaro VaZhao.

Mhando yefodya iyi ichange ichitengeserwa kunyika dzakasiyana dzine zvizvarwa zvekuChina. “Ndiri kuona muno maita mari zvikuru kuburikidza nefodya iyi yamagadzira nekuti muAfrica yese mune zvizvarwa zvekuChina zvinodarika 1 miriyoni, vese ivavo tinoda kuti vatenge fodya iyoyi kambani yenyu isimukire,” vanodaro VaZhao

Sachigaro wePCC VaAdam Molai vanoti chibvumirano chemushandirapamwe chakanyoreranwa pasi pakati pemakambani maviri aya chichasimudzira zvikuru mabasa ekurima muZimbabwe.

“Tinovimba kuti aya mavambo ezvinhu zvakawanda zvichatevera,” vanodaro.

PCC inoshanda nevarimi vefodya vanodarika 85 000 munyika muno avo ine makondirakiti navo uye vanotarisirwa kusimudzirwa zvikuru mumabasa avo zvichitevera chibvumirano chemushandirapamwe pakati pemakambani maviri aya.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey