‘Chinangwa ngachive donzvo remwanasikana’

05 Dec, 2014 - 09:12 0 Views
‘Chinangwa ngachive  donzvo remwanasikana’

Kwayedza

Catherine Murombedzi Kurarama Neutachiona hweHIV
“MWANASIKANA ane sarudzo yaanogona kuiita uye ane simba pamusoro pemuviri wake.” Aya mashoko akataurwa naAtupele Indira Milanzi musikana ane makore makumi maviri nemashanu ekuberekwa uyo parizvino atarisana nekupedza zvidzidzo zvake zvepamusoro pane imwe yunivhesiti kunyika yeMalawi.

Chimhandara ichi, icho chiri kudzidza Political Science and Administration, chakati mwanasikana anofanira kuve nedonzvo muhupenyu uye iye akasarudza kupedza chikoro chepamusoro asati awanikwa.

Ndichitaura naye kumusangano wakaitwa kuMalawi neWorld Council of Churches vakabatana neveEcumenical HIV/AIDS Initiative in Africa nguva yadarika, Milanzi akati kuve nechinangwa chekuti unoda kuzovei ndicho chinhu chinokosha kumunhu.

“Munhu, kunyanya mwanasikana, anofanira kuva nechinangwa chekuti anoda kuzovei. Haurambe uri pwere naizvozvo unofanira kuve nechisuwo chekuti ndinoda kuzosvika apa ndichizovei,” akadaro.

Milanzi akati munyika mavo mune dambudziko revanasikana vanomhanyira kuwanikwa vasati vapedza kudzidza. Kuve mubereki ibasa guru rekuti munhu kazhinji haazokwanise kudzokera kuchikoro.

“Vasikana vazhinji munyika ino vanomhanyira kuwanikwa vachiona senzira yekutiza nhamo asi vanozoyeuka bako vanayiwa nekuti bonde hausi musuwo unopedza nhamo. Nhamo yacho inotowedzera nekuti unenge wava mwana ava nemwana wake,” akadaro Milanzi.

“Parizvino ndiri kukambani yandiri kushanda basa iro ndichaongororwa neyunivhesiti kuti ndakunda here. Ndinobva ndapedza zvidzidzo zvangu ndogirajuweta muna Kubvumbi gore rinouya. Kubasa kwandiri ndakasangana nedambudziko rekuti kune varume vaviri vanoona munhukadzi sechishongo chekutamba nacho. Vakayedza kuda kunditsvetsva asi ndakavaudza kuti handizvo zvandakange ndafambira. Ndakazoudza mumwe wacho uyo aive nekatsika kekuti achitaura neni anoda kundibhabhadzira achiti ‘aah apa wagona basa’ kuti taurai musingandibate nekuti mukaramba muchindibata ndinokwidza nyaya makata.” Milanzi anoti kubvira musi uyu murume uyu akabva asvipira pasi katsika ikako.

“Ini ndinoona kuti vasikana vanofunga kuti vakanyemwenya kumabasa, vakapinda pabonde zvinoita kuti vazopihwe basa, zvinove zvisiri izvo. Pabasa ipapa pakatouya gumi nefararira kuzodzidza basa vachienda naizvozvo kunyeperwa kuti unopihwa basa kuburikidza nekupinda pabonde. “Munhu anorakidza kushanda nesimba uye aine hunhu atori nemukana mukuru wekuzowana basa kana panzvimbo iyoyo pabuda mukana. Kurara hakuna chimuko naizvozvo ndinoramba ndichiudza vanasikana kuburikidza nesangano randinoshanda naro reYWCA munyika muno kuti muviri wako unokosha uchengetedze,” akadaro Milanzi. Anoti zvinopisa tsitsi kuona mwanasikana achiita pamuviri asati apedza zvidzidzo zvake.

“Nhau yekuita bonde inopinzisa mwanasikana muna taisireva nekuti kazhinji panorarwa apa hapana dziviriro inoshandiswa mhedzisiro munhu opihwa zvirwere zvepabonde kana utachiona hweHIV,” akadaro.

Milanzi anoti nekuda kwekunyara munhu anenge asangana nedambudziko rakadai nguva zhinji haazotsvagi zivo pamusoro pezvaanenge ave.

“Tinoona mwanasikana asingazoende kuchipatara nenguva nekuda kwenhamo uye kazhinji anenge arambwa asina kana kuroorwa zvinokonzera kuti azvibvise mune vamwe uye kutadza kuzotsvaga rubatsiro pamusoro pehutano hwake,” akadaro Milanzi.

Milanzi anoti mhuri dzinofanira kugara dzichikurudzira mwanasikana kuti atsvage dzidzo asati atsvaga murume.

Zvakadaro, Milanzi anoti ane mudiwa wake waakapanana naye chitsidzo uye anotarisira kuwanikwa gore rinouya mumwedzi waNyamavhuvhu. Musikana uyu akarerwa naambuya nasekuru vabereka amai vake mushure mekurasikirwa namai mugore ra1995 uye baba vake vakashaya kare.

Iye semuzukuru, akapiwa mukana wekuenda kuchikoro akaushandisa nemazvo.

Sarudzo iripo pamwanasikana, chiripo kuziva nguva yekuve mwana nekuzove mubereki. Hazvisanganiswe nguva imwe chete.

Wenyu:[email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey