Chinotimba ovaka zvikoro, makiriniki

20 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Chinotimba ovaka  zvikoro, makiriniki

Kwayedza

MUMIRIRI weBuhera South mudare reNational Assembly, Cde Joseph Chinotimba, vanoti vari mushishi kuvandudza zvikoro nemakiriniki mudunhu ravo nedonzvo rekusimudzira budiriro.

Zvimwe zvezvikoro zvakatovandudzwa kuburikidza nekupendwa zvinosanganisira mapuraimari nemasekondari anoti Mushongwi, Zvekare, Zvenyika, Bhegedhe neMatsakanure.

Cde Chinotimba vanoti chikoro cheZvenyika Secondary chakatotanga kuiswa hwaro hwekuvakwa apo vabereki vari kukanya zvidhinha, ivo vachibatsira nesimende nezvimwe zvinodiwa.

“Chikoro cheZvenyika Secondary chakatotangwa uye vabereki vari kukanya zvidhinha. Tine St Joseph Chinotimba Pre-School yakatopera kuvakwa neMuchemwa Pre-School iyo yave padanho rekupera ndichibatsirana nevabereki,” vanodaro.

Vanoti pari zvino Birchenough Primary iri kupendwa uye paNemadziva Secondary pari kuvakwa dzimwe dzimba dzekudzidzira.

“Tine Gunura Secondary neChiunga Primary zvose zviri kuvakwa dzimba dzekudzidzira nekupendwa kuchiti Mutendamambo primary nesekondari zvakatopera.”

Pamusoro pazvo, Cde Chinotimba vanoti kune vana vechikoro vane vabereki vanoshaya vavari kubatsira nemari dzemafizi.

“Mabasa ose atinoita anoda vanhu tiine utano. Saka tiri kuvakisa makiriniki nekuvandudza mamwe aripo kare.

“Kune Murove Clinic, Gunura Clinic itsva, Mupandamidzi Clinic nemamwe akare ayo tiri kuvandudza kuisa dzimba dzekumirira madzimai anenge akazvitakura,” vanodaro.

Vanoti kiriniki yeGunura iri kubatsira vanhu zvikuru sezvo kunzvimbo iyi kwanga kusina kiriniki izvo zvaimanikidza varwere kufamba nzendo refu vachinorapwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>