Chipoko chodya sadza… chichiimba nziyo dzechechi

08 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Chipoko chodya sadza… chichiimba nziyo dzechechi Musha unonzi warura nechipoko

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MHURI yemubhuku raMunyoro pedyo ne30 Miles, kwaZimunya, kwaMutare, inoti yashaiswa rugare nechipoko chababa vepo icho chavanoti chiri kuvainga uri moto kana kuti ari munhu apo chinenge chichiimba nziyo dzechechi nekudya sadza.Kwayedza nguva pfupi yadarika yakashanyira mhuri iyi uye apo vatori venhau vaibvunza vamwe vanhu kunowanikwa musha wechipoko uyu, vamwe vacho vairamba kutaura, kunze kwekungonongedzera.

Musha uyu wave kuita sedongo, vamwe vana vepo vanonzi vakautiza vachinogara kure kusanganisira kunze kwenyika.
Masaramusi aya anonzi ari kuitika pamba paVaBezzel Saungweme, avo vakashaika mugore ra2003.

Vamwe vakataurwa navo neKwayedza mumusha uyu – avo vasina kuda kudurwa nemazita nekutya – vanoti murume ane chipoko chanetsa aipinda chechi yeJekenisheni Murevi.

Dzimwe nguva chipoko ichi chinonzi chinosvika uri moto unobvira, chokwira mumiti nekupinda mudzimba dzepo. Chinozonzwikwa chichiimba dzimbo dzechechi nekuridza hosho kana mabhosvo.

“Endai apo pamba pamunoona pane zimuti, ndipo pamunoda. Hatidi kuonekwa tichikuratidzai.
“Makainzwa naniko nyaya yechipoko chanetsa, chababa vepamba apa icho chashupa? Tinongonzwa kuti chinosvika chichidya sadza nekuimba dzimbo dzechechi chichitenderera musha, chozoenda kunze kwava kuedza,” anodaro mumwe mudzimai achiratidza kutya.

Murume anonzi ari kumuka chipoko uyu akafa achisiya barika remadzimai matatu nemhuri.
Kwayedza yakasvikowana pamusha uyu paine mudzimai wechitatu, Rossy Chikopa (51), uyo anoti ava kugara nemwanakomana wake nemuzukuru sezvo vamwe vose vakapera kutiza pamusha apa.

“Hongu, ini ndini mudzimai mumwe chete asara pano pamusha. Ndaiva mudzimai mudiki pamadzimai matatu, baba ndokushaika mugore ra2003 apo vakatenge varambana nemumwe mudzimai wavo wepakati. Maiguru vakazoshaikawo gore rakapera,” vanodaro Mai Chikopa.

Vanoti kubva pakushaika kwavahosi vepamusha uyu gore rakapera, ivo vakazosara vachigara nemwanakomana mumwe chete, mwana wake nemudzimai.

“Nyaya yekuti pano pari kumuka chipoko ichokwadi. Nguva dzehusiku vanhu vanototya kudarika nepano vachiti vanoona baba vachifamba nekuzoonawo zimoto rinopfuta richitenderera musha nekumhara mumiti, rozooenda kumakuva uko takavaviga,” vanodaro.

Mudzimai uyu akamboda kunzvenga nyaya achiti ivo semhuri, havaone chipoko ichi kudzimara akazogumisira obvuma ndokuti vari kuoneswa ndondo nacho.

“Baba havana kumborwara, vakangoita flu, vachibva vafa ndokuvaviga pano pamusha. Amaiguru vakazofa gore rakapera muna Kubvumbi tikavigawo pano asi chipoko chababa chakanga chatotanga kunetsa kare.

“Zvedi, chipoko ichi chinoimba nziyo dzekuchechi chichiridza hosho nekutamba sezvo baba vaiva mukuru wechechi yeJekenisheni Murevi,” vanodaro Mai Chikopa.

Vanoti pamusha apa pakashaikawo mwanasikana nemwanakomana mushure mekunge baba vepo vafa.
Zvidhakwa kana vamwe vano vanenge vadokerwa vanonzi vave kutya kudarika nepamusha uyu sezvo chipoko ichi chichinzi chinofamba nemugwagwa kusvikira chanosvika pamusha uyu.

“Pano ndine nhamo, ndinorarama nemaricho apa zvipoko zvava kundinetsa zvakare. Vanoda kuti ndirarame sei?
“Ndinombonoshandirwa kuchechi asi zvinoramba. Dzimwe nguva chipoko ichi chikasvika pamba, chinodzima chozobaka chave mudenga-denga.

“Pakudya sadza, icho hatichione chaizvo asi tinozongoona sadza mumba musisina, pasina mumwe wedu aridya,” vanodaro Mai Chikopa.

Vachipa maonero avo panyaya ino, Sekuru Charles Ndunge Makwiyana (88) vekuChipinge, avo vanova n’anga, vanoti mhuri iyi inofanirwa kutsvaga vanokwanisa kupedza dambudziko rechipoko iri.

“Ngavatsvage kwavanobatsirwa kuchivanhu, asi vafi ava vane zvikonzero zvinoita kuti vamuke. Hazvingoitika zvoga, ishungu idzodzo kumuka chipoko. Vamwe vanogona kunge vakafawo vakabata-bata,” vanodaro Sekuru Ndunge.

Mambo Zimunya, VaKiben Bvirindi (57), vanokurudzira vagari vemudunhu ravo kuti kana vachinge vawirwa nematambudziko, vasazeze kuenda kunovazivisa kuti vabatsirane.

“Hazvina mhosva kuti dambudziko ndererudzii rawira munhu, kunyangwe ngozi chaiyo kana varoyi vakushusha kana izvo zvipoko sezviri kuitika izvi, ndishevedzei samambo wenyu tinokwanisa kubatsirana pane kuti mungochema muri moga. Huyai tigoverana matambudziko enyu tinoakomba akapera zvisinei nekuwana kana kushaya kwedu,” vanodaro.

Vanoti vari kutsvagawo rubatsiro kuruzhinji uye vanobatika panhare dzinoti 0714 297 450.

Share This:

Sponsored Links