Chiredzi FC yakapisira: psl

17 Jul, 2014 - 15:07 0 Views
Chiredzi FC yakapisira: psl

Kwayedza

SACHIGARO weCastle Lager Premier Soccer League, Kennedy Ndebele, anoti sangano ravo rakanyorera kuchikwata cheChiredzi FC kuti chibvise zvirango zvachakatemera kune aimbove murairidzi wacho Moses Chunga apo mapato maviri aya akange aendesana kumatare edzimhosva.

Moses ‘Bambo’ Chunga neChiredzi FC vange vachikakavadzana zvikuru pamusoro penyaya dzakasiyana izvo zvakazotuma chikwata chenhabvu ichi, kuburikidza nasachigaro wacho, kuti vaendese nyaya iyi kumatare edzimhosva uko kwakatemerwa chirango chekuti Bambo asasvike kunhandare yechikwata ichi pamwe nekumahofisi acho.

Mutemo wesangano reFederation International de Football Association (Fifa) unoti nyaya dzenhabvu, dzingave dzezvikwata zvemuligi kana kuti chikwata chenyika,  hadzifanirwe kutongwa kumatare edzimhosva kana kupindirwa nehurumende.

Muhurukuro naNdebele akati zvakaitwa neChiredzi FC hazvibvumirwe uye sangano ravo rakanyorera kuchikwata ichi kuti chibvise zvirango zvavakatemera panaChunga.

Akati mutemo wenhabvu wemuno unoti kana paine nyaya dzanetsa kana kuti zvikwata zvikatadza kugadzirisa nhunha zvinofanirwa kuuya kwavari voedza nepavanogona kuvabatsira kugadzirisa dambudziko racho.

Ndebele anoti kana Chiredzi FC ikasatevedzera izvi vachaiendesa kukomiti yavo inotemera zvirango yedisciplinary committee uko icharangwa zvikuru.

“Zvavakaita hazvibvumire, hazvitenderwe.

“Takanyorera kuChiredzi FC kuti vabvise zvirango zvavakatemera panaChunga.

“Zvikwata zvese zvinofanirwa kugadzirisa nyaya dzavo vega idzo dziri kunetsa kwete kumhanya kuenda kumatare edzimhosva. Isu sangano redu ndosaka tiripo kuti tiedze kugadzirirsa nyaya dzinenge dzichinetsa zvikwata zvizhinji.

“Parizvino tave kumirira kuona kuti nyaya yacho ichafamba sei, asi vakatadza kuteerera zvatinenge tavaudza tichavatemera zvirango zvakasimba,” akadaro Ndebele.

Zvakadaro, Bambo akati parizvino haasi kuziva paamire zvichitevera kuenda kwakaita nyaya iyi mumatare edzimhosva nemutongo wakaturwa wekuti asasvike kunhandare yeChiredzi kana kuenda kumitambo yechikwata ichi.

Paakabvunzwa kuti anozviziva here kuti nyaya dzenhabvu hadzifanirwe kutongwa kumatare edzimhosva uye ramangwana rake kuChiredzi FC rakamira sei akati, “Parizvino ini hangu handigone kupindura pamusoro penyaya iyi, zvinotoda vakuru vePSL pamwe neZifa.

“Ndinotya kubatwa nemhosva kana kuzoonekwa ndiri paoffside nekuda kwenyaya iyi. Pari panyaya yekuti ramangwana rangu rakamira sei, handingazive zvinotoda ivo vanozviti vane masimba avo vaida kundisota.”

Zvakadaro, sangano reZimbabwe Football Association rakati harikwanise kupindira panyaya iyi sezvo Bambo neChiredzi FC vaine kondirakiti yavakanyorerana pasi.

Anoona nezvekufambiswa kwemashoko kuZifa, Xolisani Gwesela, akati iyi inyaya iri akati pekambani nemushandi wayo saka kana vakaendesana kumatare edzimhosva zviri kwavari.

Anoti sangano ravo rinopindira kana pakaita nyaya inenge yanetsa pakati pezvikwata zviviri zvenhabvu.

“Nyaya iyi isu hatina simba rekupindira nekuti mapato maviri aya akasainirana kondirakiti dzavo saka isu hatingazive zvaive mukondirakiti iyi.

“Chero zvinenge zvaitika isu hatipindire nekuti inyaya yelabour iyi saka vakaendesana kumatare edzimhosva isu hatipindire.

“Tinopindira kana paita nyaya yanetsa pakati pezvikwata zviviri chete kwete iyi,” akadaro Gwesela.

Mune imwe nyaya yakadai, mwedzi wadarika sangano reFifa rakatemera zvirango kuNigeria ichiti zvikwata zvese zvemunyika iyi hazvichatenderwe kutamba nhabvu inorongwa neFifa mushure mekunge hurumende yekunyika iyi yapindira munyaya dzenhabvu dzainetsa musangano reNigeria Football Association.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey