‘Chiredzi inoda zvimwe zvikoro’

09 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
‘Chiredzi inoda zvimwe zvikoro’ Rtd Brig-Gen Gwanetsa

Kwayedza

Tawanda Mangoma ari kuCHIREDZI
KUSHOMEKA kwezvikoro kunonzi kuri kukonzera kuderera kwekupasa kwevana kune dzimwe nzvimbo dzekuChiredzi, kuMasvingo, uko vamwe vari kufamba makiromita anosvika 30 pazuva vachienda nekudzoka kuchikoro.

Vagari vekuChiredzi South vakataura mashoko aya pamusangano weConstituency Development Fund wakaitirwa panzvimbo yemabhizinesi yeChikombedzi vachiti Hurumende inofanira kuvakisa zvimwe zvikoro kuitira kuti kupasa kwevana kusimukire.

Vachitaura pamusangano uyu, mumiririri weChiredzi South mudare reNational Assembly, Retired Brigadier-General Callisto Gwanetsa vanoti zvinoshungurudza kuti vamwe vana vari kufamba makiromita anosvika 30 pazuva kuti vasvike kuchikoro chiri pedyo navo.

Vanokumbira Hurumende kuti itore matanho ekugadzirisa dambudziko iri nedonzvo rekuti huwandu hwekubudirira kwevana huwedzere pamwe nekumisa kuenda kwevana vekuChikombedzi kuSouth Africa zvisiri pamutemo.

“Kana mukatarisa makiromita anofambwa nevana vanobva kunzvimbo dzakaita seGwaseche, Gurungweni, Sengwe, Samu, Chishinya neOld Boli, munogona kutaura kuti nzendo dzavari kufamba dziri kuvakanganisa kudzidza zvakanaka.

“Varairidzi vemunzvimbo idzi vanogara vachigunun’una pamusoro pehuwandu hwakakwira hwevana vanosiira chikoro panzira nekuti vana ava vanofamba makiromita 30 pazuva apo vanoenda nekudzoka kuchikoro.

“Vana vekuGwaseche, semuenzaniso, vanofamba makiromita 15 kuenda kuchikoro nemamwe 15 zvakare pakudzoka kudzimba,” vanodaro Rtd Brig-Gen Gwanetsa.

Vanoti vave kuisa tariro yavo kuHurumende itsva iri kutungamirirwa naPresident Mnangagwa iyo inoda kusimudzira maruwa nekuvaka zvikoro.

Rtd Brig-Gen Gwanetsa vanorumbidza Hurumende yaPresident Mnangagwa nekudzosa kwayakaita chirongwa chehomwe yeConstituency Development Fund.

“Takapihwa $50 000 nehomwe yeContsituency Development Fund nekudaro tinofanira kuishandisa muzvivakwa zvakakosha sekuvaka zvikoro, makiriniki, kucheresa zvibhorani nezvimwe,” vanodaro.

“Mari iyi ndeyedu yekuti tisimudzire nzvimbo yedu, kushanda pamwe chete kwakakosha mubudiriro inoonekwa saka tinofanira kushanda takabatana.”

Zvakadai, vatungamiriri vanosanganisira madzishe nemasabhuku vemudunhu iri vanorumbidza Hurumende nekudzosa homwe yeCDF iyo vanoti ichasimudzira upenyu hwevanhu vekunzvimbo dzakaita seChikombedzi.

Vanokurudzirawo vagari veko kuti vabatsirane naRtd Brig-Gen Gwanetsa mukusarudza zvirongwa zvebudiriro zvingaitwe pachishandiswa mari yeCDF.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>