Uncategorized

Chirongwa chemateneti kuvashandi

20 Jul, 2018 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Geraldine Tendai Kabaya—

KUSHANDA basa rakati tsvetere kwakakosha sezvo kuchiita kuti upenyu hwevanhu hureruke, zvikuru sei munyaya dzeutano nekuchengetedzeka.Kuchengetedzeka kunosanganisira zvinhu kana mari inowanikwa nemushandi semuripo panguva iyo anenge asiri pabasa zvakadai sepanguva iyo anenge ari pazororo remateneti.

Bumbiro remutemo rinotaura nezvenyaya dzemateneti kuti munhu ange achibhadharwa mari yake yakakwana kwemwedzi ingaite mitatu. Mitemo uyu unobata madzimai anoshanda mumakambani everuzhinji neakazvimiririra zvichifambirana nemitemo inoona nezvemabasa yeLabour Act nePublic Service Act.

Mutemo uyu unoenderera mberi nekupa madzimai mazuva makumi mapfumbamwe ezororo remateneti vachiwaniswa mari dzavo dzepeyi dzizere nokudaro imhosva kuti mudzimai ange achirasikirwa nemari yake iyi nekuda kwekuti anga akazvitakura.

Mudzimai asati aenda kuzororo remateneti, anofanira kubudisa gwaro rakasainwa nachiremba akanyoreswa zviri pamutemo rinoratidza kuti ane pamuviri.

Mushure mekubudisa magwaro ekwachiremba, mudzimai anokwanisa kuenda kuzororo remateneti asi asingaende nekukasika zuva rechi45 kana 21 rekusununguka kwake risati rasvika.

Zvisinei, kodzero yekuwaniswa zororo remateneti haingovipo bedzi asi zvinobva zvakare kuchido chemushandirwi. Zororo remateneti rinowaniswa kuvashandi kamwe chete mushure memwedzi 24 yega-yega.

Mwedzi 24 iyi inoverengwa kubva zuva rekupedzisira iro mushandi akaenda kuzororo remateneti adarika.

Uye vashandirwi vanopa kodzero yemateneti ine muripo wepeyi iyi muzvikamu zvitatu zvekutakura pamuviri bedzi.

Kana mushandi akazoda rimwe zororo remateneti, mushandirwi ane kodzero yekumupa zororo iri asi risingabhadharwi.

Hazvikodzeri kuti vanhu vange vachisarudzwa nekuda kwekuti vanenge vakazvitakura pasi pebumbiro remutemo wenyika webumbiro nemutemo unoona nezvemabasa pamwe newePublic Service Act uyewo zvimwe chetezvo nemutemo wepasi rose weInternational Convention on the Elimination of All Forms of Discrimination Against Women (CEDAW).

Mushure mekusununguka, madzimai anopihwa awa rimwe chete kana chidimbu cheawa kuti vange vachikwanisa kunoyamwisa vana asi izvi zvinoitwa zvisingakanganisi mushandirwi mubasa rake. Kukundikana kwevashandirwi kuti vange vachitevedza mitemo iyi imhosva.

Kuchine zvinhu zvakawanda zvinofanira kutariswa mumitemo inoona nezvemabasa kuti inge ichifanana neyepasi rose.

Sangano reInternational Labour Organisation (ILO) Convention rinotaura zvakare nezvechengetedzo yevashandi nezvavanofanira kunge vachiwana apo vanotora zororo remateneti, kusanganisira nyaya dzekurapwa vachitsigirwa nemakambani avo kuitira kuti utano hwemadzimai hunge huchidzoreredzwa vasati vasununguka uye mushure mekusununguka.

Mutemo unotaura zvakare nezvekuwaniswa kwezororo remateneti kumadzimai nevarume uchifambirana nezviri muLabour Act.

 

Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva munogona kutibata padandemutande rinoti [email protected], kufona panhamba dzehotline dzinoti 0782 900 900 kana dzetoll-free 08080131. Munogona zvakare kutibata paWhatsApp inoti 0777 828 201 tinokupindurai.

 

Share This:

Sponsored Links