Uncategorized

Chirongwa chezvipfuyo choparurwa

21 Dec, 2018 - 00:12 0 Views
Chirongwa chezvipfuyo choparurwa President Mnangagwa

Kwayedza

Andrew Muvishi
MUTUNGAMIRIRI wenyika President Mnangagwa nemusi weChina chino vari kutarisirwa kuparura chirongwa chekudzoreredza zvipfuyo, cheLivestock Revitalisation Programme, pachikoro cheGandauta Primary School chiri kuChiadzwa, kwaMarange, kuManicaland.

Mashoko aya akaziviswa nachamangwiza wesangano reZimbabwe Agricultural Society (ZAS), Dr Anxious Masuka.

Chirongwa ichi chiri kutsigirwa neZAS yakabatana nekambani yeZimbabwe Consolidated Diamond Company.

“Kuparurwa kwechirongwa ichi kuchaitwa paGandauta Primary School, kuChiadzwa, uye President veRepublic of Zimbabwe (Cde) Emmerson Mnangagwa vanotarisirwa kuve muenzi anoremekedzwa,” vanodaro Dr Masuka.

“Chikamu chekutanga chechirongwa ichi chinotarisa nyaya dzekuuchikwa kwemombe (artificial insemination) nechinangwa chekusimudzira mhando yemombe dzekumaruwa izvo zvinoitawo kuti pave nepundutso uyewo raramo yekumaruwa ichisimukirawo.

“Zvinoita zvakare kuti pave nechenjedzo pamusoro pebasa guru rinoitwa nezvipfuyo maringe nezvemabhizimisi, kudya kunovaka muviri uye kuwanikwa kwezvekudya.”

Dr Masuka vanoti chirongwa ichi chichaona kuvambwa kwemuzinda weLivestock Incubation Centre kudunhu reManicaland uyo uchange uchidzidziswa varimi maringe nekuchengeta zvipfuyo nekurima zvirimwa zvakasiyana.

Share This:

Sponsored Links