Uncategorized

Chirongwa chichasimudza mabasa emawoko

21 Nov, 2014 - 00:11 0 Views
Chirongwa chichasimudza mabasa emawoko

Kwayedza

Daphne Machiri
SANGANO reEuropean Union National Institute for Cultural Promotions nguva pfupi yadarika rakaparura chirongwa chekusimudzira mabasa emawoko pamwe netsika nemagariro muZimbabwe. Vachitaura pakuparurwa kwechirongwa ichi kuNational Arts Gallery, muHarare, mukuru weEU Zimbabwe, VaPhillipe Van Dammne, vakarumbidza nyika ino vachiti ine vanhu vakawanda vane matarenda emabasa emawoko ayo anogona kusimudzira upfumi hwayo.

“Hunhu hunobva mukuchengetedza tsika nemagariro, nyika yeZimbabwe ine vanhu vane matarenda akasiyana kunyanya mumabasa emawoko, madhirama, vanoimba izvo zvakakosha mukusimudzira upfumi hwenyika,” vakadaro vaVan Damme.

“Isu vesangano rakazvimiririra reEuropean Union tiri kukurudzira kuchengetedza tsika nemagariro zvinova zvinoumba hunhu nemagariro edu nebudiriro mukurarama zvakare.”

Vakaenderera mberi vachiti vachasimbaradza mushandirapamwe weEuropean Union Development Cooperation nenyika yeZimbabwe mukusimudzira upfumi hwenyika kuburikidza nemabasa emawoko.

“Donzvo rechirongwa chedu ndere kusimudzira vanhukadzi nekuvapa ruzivo
kuti vasagarira mawoko asi kuti vawane chouviri kubva kumabasa emawoko,” vakadaro.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, mutevedzeri wegurukota rezvemitambo, tsika nemagariro, Cde Tabetha Kanengoni Malinga vakati Hurumende inotenda sangano reEuropean Union National Institute for Cultural mukusimudzira kwaro mabasa emawoko.

“Chirongwa ichi chakakosha sezvo chichisimudzira avo vane matarenda. Izvi zviri kupa mukana kune avo vanoita mabasa emawoko, vemabhizimisi madiki kuti vaoonekwe mabasa avo nepasi rose zvinova zvinosimudza upfumi hwenyika naivo zvakare mukurarama,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links