CHISHONA CHAKANAKA

15 Aug, 2014 - 00:08 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected].

Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

MHINDURO DZEMIBVUNZO YESVONDO RAPERA:

Svondo rapera pane vana vakabvunza mibvunzo yaida kubatsirwa nayo.
Mitchel Magwede ari kuita Form 3 paSt Erick Mission School, kuNorton anobvunza kuti:
Vana vanoberekwa vari vana panguva imwe chete vanonzi chii muchiShona chedu? (vaviri mapatya, vatatu manyatatu, vana manyamana)
* * *

MIBVUNZO YESVONDO RINO:

Munhu asingaratidzike kuchembera anonzi . . .
Munhu anotumwa nemashoko namambo anonzi . . .
Munhu asingabvarure machira anonzi . . .
Munhu anofambisa mashoko ekupfimbana anonzi . . .
Munhu anoendesa pfuma yekuroora anonzi . . .
* * *

Mhinduro dzemibvunzo yesvondo rino muKwayedza resvondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey