CHISHONA CHAKANAKA

01 Jul, 2016 - 00:07 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

Tiudze zvinoreva nyaudzosingwi dzinotevera:

1. Mbumu (kuenda mudenga kwechinhu chinenge hutsi kana guruva)

2. Bheu (kuvhura chinhu chinenge gonhi kana kurasa uchiita zvekubheura)

3. Tsve (kugadzika kune chimbichimbi)

4. Tasa (kuenda kana kurara zvekunge warohwa kana kuuraiwa)

5. Togo (kuenda mudenga kwechinhu chinenge hutsi kana guruva)

Kuti uzviwanire mubairo, shandisa imwe neimwe yenyaudzosingwi idzi mumutsara.

* * *

ZVEKUITA SVONDO RINO:

1.         Mwana anozvarwa nguva yake isina kukwana anonzi . . .

2.         Mwana anoenda namai vake kwavanenge varoorwa patsva anonzi . . .

3.         Mwana akafirwa nevabereki anonzi . . .

4.         Kakomba kanotamba-tamba panhongony’a yemusoro wemwana kanonzi . . .

5.         Amai vanofa vachisiya mwana mucheche vanonzi vaita chii . . .

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey