CHISHONA CHAKANAKA

08 Jul, 2016 - 00:07 0 Views

Kwayedza

 VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

1.         Mwana anozvarwa nguva yake isina kukwana anonzi . . . (gavamwedzi)

2.         Mwana anoenda namai vake kwavanenge varoorwa patsva anonzi . . . (mubvandiripo)

3.         Mwana akafirwa nevabereki anonzi . . . (nherera)

4.         Kakomba kanotamba-tamba panhongony’a yemusoro wemwana kanonzi . . . (nhova)

5.         Amai vanofa vachisiya mwana mucheche vanonzi vaita chii . . . (maramwamhuru)

* * *

ZVEKUITA SVONDO RINO:

Tipe mazita evana vemhuka dzinotevera:

1.         Mwana weshumba anonzi . . .

2.         Mwana wekatsi anonzi . . .

3.         Mwana wegudo anonzi . . .

4.         Mwana wemhemwe anonzi . . .

5.         Mwana wenguruve anonzi . . .

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links