CHISHONA CHAKANAKA

29 Jul, 2016 - 00:07 0 Views

Kwayedza

* * *VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

Tiudzewo mazita ezvinhu zvinotevera:

1. Chimuti chinofamba chakabatwa nechembere kuti isadonhe. (mudonzvo)

2. Vhudzi rakachena rinowanikwa mumusoro wechembere. (imvi)

3. Tsvina yegonzo yakaita kunge tutsanga twemupunga. (nhoko)

4. Chidende chine mubato chinochereswa mvura muchirongo. (mukombe)

5. Tambo inosvuurwa kubva pagwati remuti inoshandiswa kusunga huni. (gavi)

6. Imba inovakwa neshiri ichishandisa huswa, minhenga kana tumiti. (dendere)

7. Kanhu kanosara kakabaya paganda remunhu arumwa nenyuchi. (mborera)

8. Rimwe zita reguva. (rinda kana bwiro)

* * *

ZVAKABVA KUVANA:

Ndini Mai Panashe James kuGoromonzi.

1. Kwadzinorohwa matumbu ndiko kwadzinomhanyira

2. Dindingwe rinofara richakweva rimwe asi kana iro rokwevewa roti mavara azara ivhu

3. Mazvokuda mavanga enyora

4. Aive madziva ave mazambuko.

5. Gengezha mukombe hazvienzani nekunwira mudemhe.

* * *

1. Mugoni wepwere ndeasinayo

2. Dai ndakaziva haitungamire

3. Chakanaka chakanaka mukaka haurungwi

4. Gunguwo rakapona nekuda

5. Mapudzi anowira kusina hari. – 0779 505 238.

* * *

Petros Zinyoro wekuCranborne, muHarare anoti:

Tsumo nemadimikira:

1. Ndousinayo

2. Haitungamiriri

3. Haurungwi

4. Nehwakumukwaku

5. Hari.

* * *

1. Neasinayo

2. Haitungamiri

3. Mukaka haurungwi nemunyu

4. Nehwakumukwau

5. Hari – 0772 776 932.

* * *

Blessing Kudangirana anotiwo:

Tsumo nemadimikira:

1. Matumbu

2. Mavara

3. Enyora

4. Mazambuko

Ndine mubvunzo wangu unoti amai vakafirwa nemwana vanonzi chii?

* * *

James wekuGoromonzi anoti:

1. Ndeasinayo

2. Haitungamiri

3. Haurungwi.

4. Marutsva.

5. Kusina hari.

* * *

Chipendo C wekuRuwa ndokuti:

Kwayedza bepanhau revanhu, tsumo nemadimikira naMukanya:

1. Ndoasinayo

2. Haitungamire

3. Haurungwi nemunyu.

4. Nehwakumukwaku

5. Hari

* * *

1. Mugoni wepwere ndeasinayo

2. Dai ndakaziva haitungamiri

3. Chakanaka chakanaka mukaka haurungwe

4. Gunguwo rakapona nehwakumukwaku

5. Mapudzi anowira kune vasina hari. – 0717 799 926.

* * *

Ndinonzi Portia Mapuranga, ndiri kwaMutare.

Kupedzisa tsumo:

1. Mugonhi wepwere ndeasinayo

2. Dai ndakaziva haitungamiri

3. Chakanaka chakanaka mukaka haurungwi.

4. Gunguwo rakapona . . .

5. Mapudzi anowira kusina hari

* * *

Ashely Zimbandi ari Grade 7 paSunningdale 2 Primary anoti zvirimwa zvisere zvinoberekera vana muvhu zvinoti: mbambaira, madhumbe, hanyanisi, makarotsi, nzungu, nyimo, tsenza nembatatisi.

* * *

Witness Buzuzi anotiwo:

1. Aive madziva ave mazambuko

2. Mazvokuda mavanga enyora.

* * *

Zvrimwa zvinoberekera muvhu zvinoti: mbambaira, nyimo, nzungu, mufarinya, mbatatisi, madhumbe, makarotsi nehanyanisi. – 0783 649 994.

* * *

ZVEKUITA SVONDO RINO:

Roora imari kana mombe dzinobviswa nemurume kuvabereki vemusikana kuti musikana iyeye ave mudzimai wake. Roora rine mamwe mazita. Tipewo mamwe mazita iwayo.

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>