CHISHONA CHAKANAKA

23 Sep, 2016 - 00:09 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

ChiShona chine mazita evanhu vanoita zvinhu kana kuratidza hunhu hwakasiyana-siyana. Vanhu ivavo vanopihwawo mazita akasiyana-siyana. Zadzisa mazita ari pakashama:

1. Munhu ane usimbe anongorwara nguva dzeZhizha (nguva yekurima) anonzi . . .  (murwarazhizha).

2. Munhurume anongogara ari mumba asingaendewo panze achitaura nyaya nevamwe anonzi . . . (chinzvengamutsvairo).

3. Munhu ane shavi rekurwa anonzi ane . . . (mangoromera).

4. Munhu anotumwa nemashoko ekupfimba anonzi . . . (gwevedzi).

5. Munhu anotumwa nemukomana wemusikana kuti anomuroorera anonzi . . . (munyai/sadombo).

* * *

ZVAKABVA KUVANA:

Russel Bwanya ari muForm 1 paQuality Academy anoti chinono chinengwe bere rakadya richifamba.

* * *

Bere, mandinonoka, renhoro, kusvika – 0775 983 999.

* * *

Evecolite wekwaGute, kuBuhera, anotiwo: Ndonda, chinzvenga mutsvairo, mangoromera, munyai sadombo.

* * *

Tadiwanashe Denhe ari muGrade 6 paMhandamarume Primary School, kuNhedziwa, anoti: Nyope, chinzvenga mutsvairo, mangoromera, gwevedzi, samuroodzi.

* * *

Anna Machipisa wekuNorton anotiwo:

1. Chinono chinengwe bere rakadya richifamba.

2.         Mandikurumidzira akadya mandinonokera.

3.         Kumhanya hakusi kusvika.

4.         Chimedza matoo akazodzipwa neganda remhuru.

5.         Machimbidza kumedza kutsenga muchada.

 * * *

Bere, chinono, kusvika, renyama, kutsenga. – 0773 984 104.

* * *

Morris Muchidza wekwaNyambudzi, kuMushumbi Pools, anoti:

1.         Chinono chine ingwe bere rakadya richifamba.

2.         Mandikurumidze akazvara mandinonokera.

3.         Kumhanya hakusi kusvika.

4.         Chimedza matoo akazodzipwa neganda remhuru.

5.         Machimbidza kumedza kutsenga muchada.

 * * *

Theopartia Nikisi wekuDamafalls ndokuti: Bere, mandinonoka, kusvika, remhuru, kutsenga.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey