CHISHONA CHAKANAKA

22 Feb, 2018 - 00:02 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] <mailto:[email protected]> kana [email protected] <mailto:[email protected]>. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.
* * *
MHINDURO DZESVONDO RAPERA:
Mitsara mishanu iri pazasi iyi inyaya. Iwe ronga kuti ndeupi unotanga, neunotevera kusvika pamutsara wekupedzisira.
Vaikakavadzirana kuti ndiani anokunda vamwe pakumhanya. (3)
Rwaivhi akasiya vamwe uye Hozhwa akaita muswe. (5)
Rwaivhi, Kamba naHozhwa vakasangana panzira. (1)
Vakawirirana kuti vakwikwidzane mubani. (4)
Vapedza kukwazisana, vakatanga kuitisana nharo. (2)
* * *
ZVAKABVA KUVANA:
Clara, Epworth – 1. Rwaivhi, kamba nahozhwa vakasangana panzira.
2. Vapedza kukwazisana, vakatanga kuitisana nharo.
3. Vakawirirana kuti vakwikwidzane mubani.
* * *
0772 376 786 – Vapedza kukwazisana vakatanga kuitisana nharo. Vaikakavadzirana kuti ndiani anokunda vamwe pakumhanya. Vakawirirana kuti vakwikwidzane mubani.
* * *
0773 687 076 – Rwaivhi akasiya vamwe uye hozhwa akaita muswe. Vapedza kukwazisana vakatanga kuitisana nharo.
* * *
0779 736 495 – Rwaivhi, kamba nahozhwa vakasangana panzira. Vapedza kukwazisana, vakatanga kuitisana nharo. Vaikakavadzana kuti ndiani anokunda vamwe kumhanya.
* * *
0784 643 256 – Vakawirirana kuti vakwikwidze. Rwaivhi akasiya vamwe uye hozhwa akaita muswe.
***
ZVEKUITA SVONDO RINO:
Tsanangura zvirevo zvinotevera:
1. Kutenderedza musoro –
2. Kutemesa musoro –
3. Kutyora mapfupa –
4. Kudya moto –
5. Kushaisa hope –
6. Kutsvukisa maziso –
* * *
Mhinduro svondo rinouya.
Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links