Kwayedza
VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.
* * *
MHINDURO DZESVONDO RAPERA:
- Mukati meruoko munonzi chii? (chanza)
- Nzira inofamba nemhuka inonzi chii? (gwara)
- Huswa hunenge hwatsva hwosara hwave hutema hunonzi chii? (rutsva)
- Twunhu twuchena twunoita kumicheto kwemaziso anorwadza kana emunhu achangobva kumuka twunonzi chii? (maranga/mabori)
- Nzira dzinofamba nembeva dzinonzi chii? (mwenza/mwezha)
* * *
ZVAKABVA KUVANA:
Tendai Mukute, Grade 7, New Vision Academy, Budiriro 5 – nhumbu kana kuzvitakura.
* * *
Anotida Manhimanzi, 4 White, Prospect Primary School, Waterfalls – 1. nhumbu; 2. kuzvitakura.
* * *
Sheldon Chiname, Epworth – Nhumbu kana kuti pamuviri.
* * *
0773 249 634 – 1. muchanza; 2. murongo; 3. rutsito; 4. mabori; 5. kupfumba.
* * *
Jefrey Mapuranga, Muchinjike Primary, Murehwa – nhumbu kana dumbu.
* * *
Peegal, Nharira, Madzivire High, Chivhu – 1. vana; 2. mwene; 3. mweni; 4. tenzi; 5. madzishe.
* * *
Anita Nyanzira, Knowe, Norton – 1. vana; 2. vanamwene; 3. vanamweni; 4. vanatenzi; 5. madzishe.
* * *
0715 857 774 – 1. nhumbu; 2. kuzvitakura
* * *
0736 300 524 – Tupukanana tuviri twunobuda pachuru kana mvura yanaya ndetwunoti ishwa nemajuru.
* * *
0772 983 648 – Tupukanana tuviri tunobuda kana kwanaya – ishwa netsambarafuta.
* * *
0777 420 331 – Kuzvitakura nhumbu.
* * *
0774 794 865 – Mamwe Mazita emimba ndeanoti nhumbu nepamuviri.
* * *
0777 240 545 – 1. chanza; 2. ronga; 3. rutsva; 4. maranga/mabori; 5. mwezva.
* * *
0777 240 545 – nhumbu/pamuviri.
* * *
Milton Tsandukwa, Tasimukira Primary – 1. chanza; 2. gwara; 3. rutsva; 4. mabori; 5. mwanza.
* * *
0775 893 734 – Tupuka tunobuda pachuru kana kwanaya ishwa nemajuru.
* * *
ZVEKUITA SVONDO RINO:
Ipa mazita ezvinhu zvinotevera:
- Chimuti chinofamba chakabatwa nechembere kuti dzisadonhe.
- Vhudzi rakachena rinowanikwa mumusoro mechembere.
- Tsvina yegonzo yakaita kunge tutsanga twemupunga
- Chidende chine mubato chinochereswa mvura muchirongo
- Tambo inosvuurwa kubva pagwati remuti inoshandiswa kusunga huni.
- Imba inovakwa neshiri ichishandisa huswa, minhenga kana tumiti
- Kanhu kanosara kakabaya paganda remunhu arumwa nenyuchi
- Rimwe zita reguva
* * *
Mhinduro svondo rinouya.
. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007