CHISHONA CHAKANAKA

0

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: kwayedza@zimpapers.co.zw kana patrick.shamba@zimpapers.co.zw. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

Tiudze rimwe zita rezvinhu zvinotevera:

  1. Besa (dzihwa)
  2. Sanhu (demo)
  3. Nhekwe (chibako)
  4. Guti (gore)
  5. Ibwe (dombo)

* * *

ZVAKABVA KUVAVERENGI:

Zondai Marongedza, Katerere, Nyanga – Chinoziva ivhu kuti mwana wembewa anorwara.

* * *

Akudzwe Mambondiani, Mutukwa Primary School, Mutare – 1. zvirimwa; 2. bhemba; 3. kasha; 4. makore; 5. dombo.

* * *

Cephas Gwizo, Tafara, Harare – 1. dzihwa; 2. demo; 3. kasha; 4. gore; 5. dombo.

* * *

Annamore Mugano, Chimanimani – Chinozia ivhu kuti mwana wembeva anorwara.

* * *

Fennie Kufandirori, 0777 238 382 – Mwana wembeva anorwara.

* * *

Tawanda Chitare, Boka, Mutare – 1. dzihwa; 2. demo; 3. chibako – gonamombe; 4. makore; 5. dombo.

* * *

Pfachapfacha, Karoi – Chinoziva ivhu kuti mwana wembeva anorwara.

* * *

Tawana Mundenda, Grade 3 Dudley Hall School, Norton – Chinoziva ivhu kuti mwana wembeva anorwara.

* * *

Mai Mafigo, Norton – Chinoziva ivhu kuti mwana wembeva anorwara.

* * *

Nyaa Kandoro, Dangaremombe School, Murehwa – 1. besa/dzihwa; 2. sanhu/demo;

  1. nhekwe/demo; 4. guti/mubvumbi; 5. ibwe/dombo.

* * *

Lawrence Tom, Waterfalls – Chinoziva ivhu kuti mwana wembeva anorwara?

* * *

Mark Ruona, 42 years – Mwana wembeva ari kurwara.

* * *

Tadiwa Lovemore, Grade 7, Rowa Primary School, Mutare – 1. madzihwa; 2. bazi/sanzu; 3. chikwepa; 4. makore/mafuwa; 5. dombo.

* * *

Edeline, Glen Norah A – Chinoziva ivhu kuti mwana wembeva ari kurwara.

* * *

Chipo Zvomunya – Chinoziva ivhu kuti mwana wembeva anorwara.

ZVEKUITA SVONDO RINO:

Tiudze rimwe zita rinoreva zvimwechete neiri:

  1. ngwena –
  2. nhawani –
  3. zanda –
  4. humba –
  5. bvunda –

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Share.

About Author