CHISHONA CHAKANAKA

21 Sep, 2018 - 00:09 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.
* * *
MHINDURO DZESVONDO RAPERA:
Tiudze rimwe zita rinoreva zvimwe chete neiri:
1. kotsa – (viga)
2. chani – (uswa)
3. hwahwa – (doro)
4. mhashu – (hwiza)
5. nariti – (tsono)
* * *
ZVAKABVA KUVAVERENGI:
0783 132 018 – Ndambakuudzwa akaonekwa nembonje pahuma.
***
Tawanda Chitare, Boka, Mutare – 1. viga; 2. ngetani; 3. doro; 4. hwiza; 5. tsono.
***
Tawanda Chitare, Mutare – Ndamba kuudzwa akazoonekwa nembonje pahuma.
***
0776 590 484 – Ndamba kuudzwa akaonekwa nembonje pahuma.
***
Brian Nyaunye, Mutoko Primary School – 1. kotsa – viga; 3. hwahwa – doro/gwibu; 4. mhashu – hwiza; 5. nariti – tsono.
***
Vimbai Magoba Musani, Chipinge – Ava mazambuko.
***
Lister Nyahuku, Mutanda Primary School, Mutare – 1. kotsa – viga; 2. hwahwa – doro; 3. mhashu – hwiza; 4. nariti – tsono.
***
0775 264 914 – Kutanda botso munhu anenge akupenga achipfeka masaga.
***
Lawrence Tom, Waterfalls – 1. kotsa; 2. chani – chii; 3. hwahwa – doro; 4. mhashu – hwiza; 5. nariti – tsono.
***
0775 264 914 – Ndamba kuudzwa akazoonekwa nembonje pahuma, zvakafanana nekuti pawaitsiurwa usingaterere wozopinda mumatambudziko.
***
Cuthy Muneh, Haungton Park 3 – hwahwa – doro; 3. mhashu – hwiza; 5. nariti – tsono.
***
Client Chipiro, Grade 6,
St Patricks Nyanyadzi – 1. kuviga; 2?; 3. doro; 4. hwiza; 5. tsono.
***
Gilbert Kachidza, Kapotesa School, Mudzi – Ndamba kuudzwa akawanikwa nembonje pahuma.
***
Zondai Marongedza, 58 East Court, Belvedere – Ndambakuudzwa akaonekwa nembonje.
***
0773 273 971 – Ndamba kuudzwa akaonekwa nembonje pahuma.
***
Denver Chidewe, Grade 5, Chimonyo Primary, Mutoko – 1. kotsa – chengeta; 2. chani – jira; 3. hwahwa – doro; 4. mhashu – hwiza; 5. nariti – tsono/tsunda;
***
Tibugare, Mbizo, Kwekwe – Ndambakuudzwa akaonekwa nembonje pahuma.
***
LIoyd Matiwa, Grade 7, Seke 11 Primary, Chi-town – 1. kotsa – hwandisa; 2. chani – chisungiso; 3. hwahwa – doro; 4. mhashu – hwiza; 5. nariti – tsono.
***
0782 177 849 – Ndambakuudzwa akaonekwa nembonje pahuma.
***
Chipo Zvomuya, Chitepo Secondary School, Marondera – Ndambakuudzwa akaonekwa nembonje pahuma.
***
Simbarashe Mapfumo, Rupiri Primary School, P Bag 9037, Masvingo – Bhodhoro rinonzi chii neChiShona?
***
0783 824 641 – Mukadzi akafirwa nevana vose anonzi chii? Murume akafirwa nevana vose anonzi chii?
***
ZVEKUITA SVONDO RINO:
Midziyo:
1. Tinoveza ne…
2. Tinokuya ne…
3. Tinobika sadza ne…
4. Tinopepeta ne…
5. Tinotswa ne…
Mhinduro svondo rinouya.
. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey