Kwayedza
VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] <mailto:[email protected]> kana [email protected] <mailto:[email protected]>. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.
* * *
MHINDURO DZESVONDO RAPERA:
Mazwi akafanana asi achireva zvakasiyana.
Mazwi mazhinji muchiShona anogona kupereterwa zvakafanana, asi achitaura nekureva zvinhu zvakasiyana. Semuenzaniso:
Tete. Rinogona kureva hanzvadzi yababa, kana chinhu chisiri chikobvu, chakatetepa.
Iwe tiudze zvinhu zviviri zvinogona kureva mazita ari pazasi aya:
- Nhanga (Imba inorara vasikana kana kuti chirimwa chinobereka manhanga)
- Dzimba (Rinonziwo zvakare tsimba. Rinoreva panenge patsikwa netsoka yemhuka. Rinorevawo imba dzakawanda).
- Mbira (Chiridzwa chine tumapadza tudiki, kana kamhuka kanogara mumakomo nemumapako)
- Guta (Kuguta kana uchinge wadya kana kureva dhorobha)
- Guru (Chinhu chakakura sekuti bhora guru. Kune guru rebarika. Guru remwena unowanikwa pachuru. Guru renyama iye inenge tauro rekugezesa).
* * *
ZVAKABVA KUVAVERENGI:
Tadiwa Mangwiro, Highfield 2 High School – 1. Nhanga rekudya, nhanga mekurara vasikana;
- Dzimba dzekugara, dzimba kudzimba chironda;
- Mbira yekuridza, mbira kamhuka;
- Guta kuva nemaguta, guta guru;
- Guru rekudya, guru rekukura kwenzvimbo.
* * *
0778 898 409 – 1. Nhanga imba inorara vasikana, nhanga chirimwa chemumunda;
- Dzimba dzinogarwa nevanhu kana zvipfuyo;
- Munhu anoredza hove.
* * *
- Tsingano, Marondera – Muchero unoti kana waibva unonuna unonzi mutohwe.
* * *
Lawrence Tom, Waterfalls, Mainway – 1. tsvana; 2. mhuru; 3. mhuru; 4. nhiyo; 5. rushiye; 6. nzvenzvana; 8. nyana; 9. mbwanana; 10. dapi.
* * *
Mai Kuna muChi-town – Dohwe/matohwe.
* * *
Obvious Mutata, Glen View – Muchero unoti kana waibva unonuna unonzi mutohwe.
0774 617 565 – Mutohwe ndiwo unonuna.
* * *
Lawrence Tom, Waterfalls, Mainway – Dohwe.
* * *
ZVEKUITA:
Tipe sungawirirano inoenderana nezita riri kutsanangurwa nechipauro.
- Mago – dema/matema
- Chingwa – chijena/chichena
- Zai – hombe/huru
- Nzeve – refu/marefu
- Ndebvu – ndefu/refu
* * *
Onai mhinduro svondo rinouya.
Tumira mhinduro panhare dzinoti 0714 200 007.