CHISHONA CHAKANAKA

25 Jan, 2019 - 00:01 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] <mailto:[email protected]> kana [email protected] <mailto:[email protected]>. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

Mazwi akafanana asi achireva zvakasiyana.

Mazwi mazhinji muchiShona anogona kupereterwa zvakafanana, asi achitaura nekureva zvinhu zvakasiyana. Semuenzaniso:

Tete. Rinogona kureva hanzvadzi yababa, kana chinhu chisiri chikobvu, chakatetepa.

Iwe tiudze zvinhu zviviri zvinogona kureva mazita ari pazasi aya:

  1. Nhanga (Imba inorara vasikana kana kuti chirimwa chinobereka manhanga)
  2. Dzimba (Rinonziwo zvakare tsimba. Rinoreva panenge patsikwa netsoka yemhuka. Rinorevawo imba dzakawanda).
  3. Mbira (Chiridzwa chine tumapadza tudiki, kana kamhuka kanogara mumakomo nemumapako)
  4. Guta (Kuguta kana uchinge wadya kana kureva dhorobha)
  5. Guru (Chinhu chakakura sekuti bhora guru. Kune guru rebarika. Guru remwena unowanikwa pachuru. Guru renyama iye inenge tauro rekugezesa).

* * *

ZVAKABVA KUVAVERENGI:

Tadiwa Mangwiro, Highfield 2 High School – 1. Nhanga rekudya, nhanga mekurara vasikana;

  1. Dzimba dzekugara, dzimba kudzimba chironda;
  2. Mbira yekuridza, mbira kamhuka;
  3. Guta kuva nemaguta, guta guru;
  4. Guru rekudya, guru rekukura kwenzvimbo.

* * *

0778 898 409 – 1. Nhanga imba inorara vasikana, nhanga chirimwa chemumunda;

  1. Dzimba dzinogarwa nevanhu kana zvipfuyo;
  2. Munhu anoredza hove.

* * *

  1. Tsingano, Marondera – Muchero unoti kana waibva unonuna unonzi mutohwe.

* * *

Lawrence Tom, Waterfalls, Mainway – 1.  tsvana; 2. mhuru; 3. mhuru; 4. nhiyo; 5. rushiye; 6. nzvenzvana; 8. nyana; 9. mbwanana; 10. dapi.

* * *

Mai Kuna muChi-town – Dohwe/matohwe.

* * *

Obvious Mutata, Glen View – Muchero unoti kana waibva unonuna unonzi mutohwe.

0774 617 565 – Mutohwe ndiwo unonuna.

* * *

Lawrence Tom, Waterfalls, Mainway – Dohwe.

* * *

ZVEKUITA:

Tipe sungawirirano inoenderana nezita riri kutsanangurwa nechipauro.

  1. Mago – dema/matema
  2. Chingwa – chijena/chichena
  3. Zai – hombe/huru
  4. Nzeve – refu/marefu
  5. Ndebvu – ndefu/refu

* * *

Onai mhinduro svondo rinouya.

Tumira mhinduro panhare dzinoti 0714 200 007.

 

Share This:

Sponsored Links