CHISHONA CHAKANAKA

08 Feb, 2019 - 00:02 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

Zadzisa makashama nenyaudzosingwi yakakodzera kubva pane idzi:

nyonde, kanha, watsu, nzvee, svetu, zee

Gudo akati Shumba (watsu) nembama. Shumba akati (zee) asati azoti (nyonde) nemuromo. Tsuro akati (kanha) nazvo. Shumba akamuka nehasha, ndokuti (svetu) achida kubata Gudo, asi Gudo akati (nzvee)

* * *

ZVAKABVA KUVAVERENGI:

0716 577 421 – 1. watsu; 2. zee; 3. nyonde; 4. kanha.

* * *

0782 856 253 – Dura rinochengeterwa zvirimwa zvinenge zvarimwa.

* * *

Dura inzwimbo inochengeterwa chikafu chekudya – Timothy Mtemamombe, Darwin.

* * *

Dura imba inochengeterwa mbesa/goho – Tapiwa Maparara.

* * *

Dura imba inochengeterwa zvirimwa zvinenge zvakohwewa muminda – Benson Mavhenyengwa, Harare.

* * *

Munyarazi Chivero, Chiweshe – 1. watsu; 2. zee; 3. nyonde; 4. kana; 5. svetu; 6. nzvee.

* * *

Topo Amolla, Nyakasoro Primary School – Chinonzi dura chivakwa chekuchengetera zviyo kana kuti zvakakohwewa.

* * *

Khan Gelani Murimi, Hande, Dorowa – Dura hozi kana imba inochengeterwa zvirimwa zvabva mumunda.

* * *

0785 578 519 – 1. watsu;2. zee; 3. nyonde; 4. svetu; 5. nzvee.

* * *

Kenneth Mukarati, Avondale – 1. Watsu; 2. zee; 3. nyonde; 4. kanha; 5. svetu; 6. nzvee

* * *

0777 669 001 – Dura imba inochengeterwa zvirimwa.

* * *

Lutricia Chiganga, Mabvuku High School – Dura imba inochengeterwa zvirimwa pamusha.

* * *

0737 754 948 – Dura inzvimbo inochengeterwa zvirimwa.

* * *

Peter Rubson, ndiri paDenda Nyava – Chinonzi dura inzvimbo yekuchengetera chikafu.

* * *

Nommatter, Chinhoyi – 1. watsu; 2. zee; 3. nyonde; 4. kanha; 5. svetu; 5. nzvee.

* * *

ZVEKUITA:

Zadzisa makashama nenyaudzosingwi yakakodzera pane dzinotevera:

fararira, dhuu, pindikiti, dzvamu, kwetsu

Gudo rakati . . . mumunda, rikawana tsoko dziri . . . Gudo rakati . . . kufunga, nekuti raida kudzinga tsoko mumunda. Gudo rakazongoerekana rati mhere . . . richitiza kubva mumunda. Tsoko dzakati Gudo anofanira kunge aona njodzi, naidzowo dzichibva dzati . . . dzichiita chipitipiti chekupinda musango.

* * *

Onai mhinduro svondo rinouya.

. Tumira mhinduro panhare dzinoti 0714 200 007.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey