CHISHONA CHAKANAKA

15 Feb, 2019 - 00:02 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected]  kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

Zadzisa makashama nenyaudzosingwi yakakodzera pane dzinotevera:

pindikiti, fararira, dhuu, kwetsu, dzvamu

Gudo rakati (pindikiti) mumunda, rikawana tsoko dziri (fararira).

Gudo rakati (dhuu) kufunga, nekuti raida kudzinga tsoko mumunda.

Gudo rakazongoerekana rati mhere (kwetsu) richitiza kubva mumunda. Tsoko dzakati Gudo anofanira kunge aona njodzi, naidzowo dzichibva dzati (dzvamu) dzichiita chipitipiti chekupinda musango.

* * *

ZVAKABVA KUVAVERENGI:

Alexio Muhanya, Thyname ZFC, Gweru – Dede igudo.

* * *

Ashley Taruvinga – Dede ibveni kana gudo.

* * *

Tafadzwa Shamva – dede igudo.

* * *

0720 024 862 – Dede igudo kana kuti bveni.

* * *

S Chirandu – 1. pindikiti; 2. fararira; 3. dhuu; 4. kwetsu; 5. dzvamu.

* * *

Madzimai Try, DZ Ext – Igudo/bveni/mutiro

* * *

0716 623 986 – Dede ibveni kana kuti gudo.

* * *

0716 623 986 – 1. pindikiti; 2. fararira; 3. dhuu; 4. kwetsu; 5. dzvamu.

* * *

Believemore Chengeta, Masvingo – Dura imba inochengeterwa zvirimwa.

* * *

Arnold Matsheza, Sidakeni High School, Zhombe – 1. pindikiti; 2. fararira; 3. dhuuu; 4. kwetsu; 5. dzvamu.

* * *

Delight Mwedzi, Pfumo Primary School, Grade 7, Chitungwiza – 1. pindikiti; 2. fararira; 3. dhuu; 4. kwetsu; 5. dzvamu.

* * *

Aaron Kachidza, Kapotesa school Mudzi – 1. pindikiti; 2. fararira; 3. dhuu; 4. kwetsu; 5. dzvamu.

* * *

Kudzai Mambo, Overspill – Dede igudo.

* * *

Tatenda Ngorima, W. Park D – 1. pindikiti; 2. fararira; 3. dhuu; 4. kwetsu; 5. dzamu.

* * *

Gilbert Kachidza, Kapotesa school Mudzi, 0773 401 865 – 1. pindikiti; 2. fararira; 3. dhuu; 4. kwetsu; 5. dzvamu.

* * *

Tasosa Kudakwashe – dede igudo kana kuti bveni.

* * *

  1. Chikwira, 0712 724 947 – Dede igudo.

* * *

Angel L Munyowere, Grade 4, St Paul’s, Gokwe – 1. pindikiti; 2. fararira; 3. dhuu; 4. kwatsu; 5. dzvamu.

* * *

Miriam Murozoki, Juru – 1. pindikiti; 2. fararira; 3. dhuu; 4. kwetsu; 5. dzvamu.

* * *

Stuart Avereni, Budiriro 1 – Dede igudo kana kuti bveni.

* * *

Isaac Madimbire, DZ Ext, Harare – Dede igudo.

* * *

0782 975 605 – Dede chibage chinyoro chisati chanyatsosvika.

* * *

Justice Mariga, Chitungwiza – Dede igudo.

* * *

ZVEKUITA:

Zadzisa makashama nenyaudzosingwi yakakodzera pane dziri pazasi:

tsve, tumbi, cheu, nyahwa-nyahwa, bheu,

 

Tsuro akati . . . akaona pasina munhu. Akati . . . achienda pamba paGudo.

Akasvika pamusiwo akati . . . kumira.

Mushure mekanguva akazoti musiwo . . . ndiye . . . nhava yaakanga akatakura.

* * *

Onai mhinduro svondo rinouya.

. Tumira mhinduro panhare dzinoti 0714 200 007.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey