CHISHONA CHAKANAKA

05 Dec, 2014 - 09:12 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

Mavara ari kuruboshwe akakanyaniswa aya anovaka mazwi anoreva chinhu. Iwe uchishandisa rubatsiro rwemazwi anotsanangura chinhu chiri kudiwa ayo akapihwa kurudyi, ronga mavara akakanyaniswa aya kuti areve chinhu.

Mienzaniso:

1. apyuf – rera mhuka kana shiri pamba (pfuya)

2. mruibo – hunonama uye hunoteyeswa shiri (urimbo)

Chiitawo izvi:

1. ndaag – munorara mombe (danga)

2. nodgo – musha wakatamwa (dongo)

3. vsusuvu – tubota tutete twemurwere (usvusvu)

4. tiad – rinoshandiswa pamwe nemiseve (dati)

5. imesev – inoiswa padati (miseve)

* * *

ZVEKUITA SVONDO RINO:

Izwi rekuti kuvira rinoreva zvinhu zvina zvakasiyana. Tiudze zvinhu zvina zvarinoreva. Kana uchikwanisa shandisa mumutsara kuti unyatsoburitsa zvarinoreva.

* * *

Mhinduro muKwayedza svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links