CHISHONA CHAKANAKA

20 Mar, 2015 - 00:03 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.
* * *
MHINDURO DZESVONDO RAPERA:
Titsanangurirewo zvinoreva madimikira anotevera.
Edza kushandisa madimikira aya mumitsara yaunogadzira wega ugoti vakuru vakumakire zvawanyora.

1. Kusvinuka
2. Kuita pamuromo
3. Pamuromo pasingamharwe nenhunzi
4. Kugarira guyo sembwa
5. Kumera muswe

MHINDURO:
1. Kusvinuka zvinoreva munhu akangwarisa zvekuti anogona kukanganisa vamwe vanhu. Anogonazve kunzi akasvinukisa.
2. Kuita pamuromo zvinoreva munhu anodenha, zvekuti pakupedzisira anokonzera bopoto kana kurwa. Munhu anogona kunzi, Chipo ane pamuromo zvikuru.
3. Pamuromo pasingamharwe nenhunzi munhu anotaurisa zvekuti haape vamwe vanhu mukana wekutaura.
4. Kugarira guyo sembwa zvinoreva kumirira mahara. Kana imbwa ikamirira dovi rinenge richikuyiwa paguyo, hapana chainowana nekuti kana vari kukuya vapedza, vanobva vasuka vokwidibira guyo.
5. Kumera muswe zvinoreva kufarisa. Kazhinji vanotaura vanoti, “Wave kumera muswe, tichaudimbura.”
* * *

ZVEKUITA SVONDO RINO:
Musango mune miti mizhinji kwazvo. Mimwe miti inotipa michero. Mimwe yacho yakanaka kuita huni.
Mimwe miti haiite kubikisa nekuti inogona kusabvira zvakanaka, kana kuti inoita hutsi. Mimwe miti inosvuurwa makavi, mimwe ichivezeswa zvinhu zvakasiyana-siyana. Nyora miti gumi yemichero yemusango.
* * *

Mhinduro svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links