CHISHONA CHAKANAKA

23 Apr, 2015 - 11:04 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.
* * *
MHINDURO DZESVONDO RAPERA:
Mvura:
1. Mvura inonaya kwenguva refu, kana kwemazuva akawanda asi iri shoma, uye iri nhete-nhete inonzi chii? (mubvumbi)
2. Kunaya kwemvura shoma, uye iri nhete asi kwete kwenguva yakareba kunonzi kuita sei? (kupfunha kana kusakasira)
3. Mvura inenge yanaya ikanoungana panzvimbo imwe chete inonzi yaita sei? (yajenga)
4. Mvura inenge yakachena asi yosvibiswa zvekusara yasangana nemadhaka nemarara inonzi chii? (mabvondwe)
5. Kusangana kwemvura yakachena nemadhaka nemarara kunonzi kuita sei? (kubvondoka)
6. Kana mvura ikaoma ichisiya mitsara-mitsara paganda kana pamudziyo mitsara iyoyo inonzi chii? (mhororodzi)
7. Mvura inocherwa mujecha murwizi rwunenge rwapwa inonzi mvura yei? (mufuku)
* * *
ZVAKABVA KUVANA:
Memory Dhobhowa anodzidza muForm 4 paChamananhanzva High School, kwaChivi anoti:
Nemhaka yei tisina mupanda 20? (Varairidzi veShona batsirai Memory.)
* * *
Rodgers Masunda wepaMasekayi High School, kuBikita ndokuti:
Musoro webhuku “Bhanan’ana” unoenderana here nezviri mubhuku?
* * *
Maria Mpofu anodzidza paChapungu Secondary School, kuMberengwa akati:
Ndakasangana nedimikira rinoti: “Tambaoga akarohwa nemhondi usiku mugota make akaona nyeredzi.” Kuona nyeredzi kuita sei? (Kuita dzungu apo munhu anenge asisazive zvaari kuita.)
* * *
Makanaka ManewawepaEarly Bird Educational Centre ndokuti:
Bhanan’ana zvinorevei? – 0778 599 460. (Ruzha rwunoitwa nekutinhira kwemvura inenge ichinaya iine hasha.)
* * *
Clemence Mandebvu anodzidza paChiodza Secondary School, kwaChireya, kuGokwe akati:
Mwana wekamba anonzi chii? (Apoka varairidzi! Batsirai Clemence.)
* * *
Lewis Tapiwa Mhere wemuForm 5 paVengere High School, kwaRusape ndokuti:
Mubvunzo wemhenenguro unopindurwa sei?
* * *
Rutendo Jinja ari muForm 3 paNemakonde High, kuChinhoyi anoda kuziva kuti:
Imba inorara amai nababa inonzi chii?
* * *
Pakudzidzisa chiShona chakanaka, zvikuru tsumo, aiwa veKwayedza munotigonera. Rambai makadaro. Ndinokutendai. Ndiri kwaChirumhanzu. – 0782 179 836.
* * *
Makasimba here veKwayedza? Chirevo chinoti zingizi gonyera pamwe maruva enyika haaperi chinorevei? – 0783 159 225.
* * *
VeKwayedza rambai makadaro nekutidzidzisa isu sevana vechikoro. – Sharo N. Taku
* * *
ZVEKUITA SVONDO RINO:
Tsanangura uye ugoshandisa madimikira aya mumitsara kuti uone kana wave kuanzwisisa:
1.    Kubata kumeso.
2.    Kubata huku.
3.    Kubatira hura mumawoko.
4.    Kubata makwenzi.
5.    Kunakurirana nyoka mhenyu.
* * *
Mhinduro svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>