Kwayedza
VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.
MHINDURO DZEMIBVUNZO YESVONDO RAPERA:
1. Huni dzakawanda dzakasungwa pamwechete dzinonzi chii? (Svinga)
2. Miti yakawanda iri munzvimbo imwechete inonzi chii? (sango)
* * *
MIBVUNZO YESVONDO RINO:
1. Munda unorimwa mupunga unonzi do** kana kuti di****.
2. Munda mutsva unonzi go***.
3. Munda wave nenguva yakareba uchirimwa unonzi gu**.
4. Sadza rakasara nezuro rinonzi mu***.
5. Mwana anozvarwa nguva yake isati yakwana anonzi ga********.
* * *
Mhinduro dzemibvunzo yesvondo rino muKwayedza resvondo rinouya.