Chishona chakanaka

06 Jul, 2014 - 06:07 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

MHINDURO DZEMIBVUNZO YESVONDO RAPERA:

1. Huni dzakawanda dzakasungwa pamwechete dzinonzi chii? (Svinga)

2. Miti yakawanda iri munzvimbo imwechete inonzi chii? (sango)

* * *

MIBVUNZO YESVONDO RINO:

1.    Munda unorimwa mupunga unonzi do** kana kuti di****.

2.    Munda mutsva unonzi go***.

3.    Munda wave nenguva yakareba uchirimwa unonzi gu**.

4.    Sadza rakasara nezuro rinonzi mu***.

5.    Mwana anozvarwa nguva yake isati yakwana anonzi ga********.

* * *

Mhinduro dzemibvunzo yesvondo rino muKwayedza resvondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links