CHISHONA CHAKANAKA

24 Jul, 2014 - 09:07 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

MHINDURO DZEMIBVUNZO YESVONDO RAPERA:
1. Munda unorimwa mupunga unonzi doro kana dimbwa
2. Munda unorimwa nzungu unonzi tseu
3. Kadende kanochengeterwa mafuta kanonzi chinu
4. Nyanga inochengeterwa mafuta inonzi gonamombe
5. Munochengeterwa fodya yebute munonzi nhekwe
* * *
Vana vakabvunzawo nekupindura mimwe mibvunzo.

Kimberly Mukonya ari muGrade7 paChitakatira Primary School, kwaMutare akati:
1. Mapango anotenderedza denga remba akachinjika anonzi mbariro.
2. Kazhumu kari pamusoro pemba kanonzi chisuwi.
3. Madziro emba paanosangana nedenga panonzi rukatsa.
4. Zvimbo iri mumadziro memba yekuti munhu anogona kumira akavharidzirwa inonzi berere.
5. Rimwe zita remusiwo rinonzi gonhi. – 0717 298 156.
* * *

Tariro Matienga wepaSpeciss College Makoni, kuChitungwiza apo ari muForm 4 akabvunza kuti:
Detembo rangu rokuti Zuva Rakasvika Mhandu rinorevei iro rakanyorwa naWhite B Bamhare? – 0771 297 706.
* * *

Yolanda Jackson wepaWiddecombe Primary School, kuHatfield, muHarare akabvunzawo kuti:
1. Godobori wechikadzi anonzi ani?
2. Mwanasikana wamambo anonzi ani?
3. Munda mutsva unonzi chii?
4. Mazwi anoreva zvakafanana nekuti sando, demo, muroora, tezvara nebveni ndeapi? – 0715 497 808.
* * *

Silence Mwaziya ari muGrade 7 paDavid Livingstone Primary School, muHarare  akati:
1. Munda unorimwa mupunga unonzi doro.
2. Munda unorimwa nzungu unonzi tseu.
3. Munochengeterwa fodya munonzi gonan’ombe. – 0772 285 286.
* * *

MIBVUNZO YESVONDO RINO:
1.    Kupinda nemwenje mudziva kuita sei?
2.    Kumera muswe kuita sei?
3.    Kubvotomoka kuita sei?
4.    Kuomesa moyo kuita sei?
5.    Kudzika midzi kuita sei?
* * *

Mhinduro dzemibvunzo yesvondo rino muKwayedza resvondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links