CHISHONA CHAKANAKA

07 Aug, 2014 - 16:08 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana  [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

Svondo rino vana ndivo vakabvunza mibvunzo yavanoda kubatsirwa nayo. Kana uine yakowo mibvunzo kana mhinduro dzemibvunzo yevamwe vana, sununguka kutumira kwatiri sezvo dzimwe mhinduro dzichisiyana nenzvimbo dzatinogara.
* * *
Mitchel Magwede ari kuita Form 3 paSt Erick Mission School, kuNorton anobvunza kuti:
Vana vanoberekwa vari vana panguva imwe chete vanonzi chii muchiShona chedu?
* * *
Bekithemba Ncube, uyo ari muForm 2 paZvishavane High School, kuZvishavane ndokuti:
Ko murume akafirwa nemukadzi anonzi chii?
* * *
Nigel Chifetete ari muGrade 5 Blue paWiddecombe Primary kuHatfield, muHarare akabvunza kuti:
1. Nderepi rimwe zita rinoreva zvakafanana nekuti gudo? (bveni, mutiro/diro)
2. Dongo chii? (musha usisagare vanhu)
3. Mwana wehwai anonzi chii? (hwayana)
* * *

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey