‘Chitangai kutsvaga nzvimbo dzeForm 1’

24 Nov, 2017 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Freedom Mupanedemo
VABEREKI vari kukurudzirwa kuti vatange kunyorera vachitsvaga nzvimbo dzevana vavo dzeForm 1 dzegore rinouya vachishandisa dandemutande re”eMap” vachisarudza zvikoro zvavanoda kwete kuzomhanya-mhanya panobuda zvakanyorwa nevana paGrade 7.

Mutevedzeri wegurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima vanoti zvikoro zvebhodhingi munyika yose zvakavhura dandemutande rekutambira zvinyorwa zvevanhu vari kutsvaga vana nzvimbo dzeForm 1.

Bazi redzidzo iri rakatanga kushandisa chirongwa ichi gore rapera.

“Takavandudza chirongwa chekutsvaga nzvimbo dzeForm 1 ichi pachishandiswa dandemutande uye chave kushanda zvakanaka,” vanodaro Prof Mavima.

Vanoti vabereki vanozotumira zvinenge zvabuda pabvunzo dzeGrade 7 dzakanyorwa nevana vavo mushure mekunge vatsvaga nzvimbo kare.

“Zvakanakira kutsvaga nzvimbo nguva ichiripo ndezvekuti kana zvakanyorwa zvabuda uye mwana aine mayunitsi anenge achidiwa nechikoro chaari kutsvaga nzvimbo, anokwanisa kuziviswa mamiriro ezvinhu nekukasika,” vanodaro Prof Mavima.

Vanoti vabereki vanofanira kutora mukana wechirongwa che”eMap” mukutsvaga nzvimbo dzeForm 1 pane kushanyira zvikoro sezvo izvi zvichizovadhurira.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey