Chitungwiza Hospital ichavhiya itsvo

20 Mar, 2015 - 00:03 0 Views
Chitungwiza Hospital ichavhiya itsvo

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
CHIPATARA cheChitungwiza Central Hospital chinotarisirwa kunge chichizarura chikamu chekuvhiya itsvo gore rino risati rapera rinova danho richabatsira zvikuru varwere veitsvo munyika muno avo pari zvino vanonorapwa kunze kwenyika.

Nekune rimwe divi, chipatara ichi chakavhura zvakare chikamu chekurapa vanotambudzwa nechirwere chenzeve apo vanobatsirwa pachena.

Muhurukuro neKwayedza, chamangwiza wechipatara ichi, Dr Obediah Moyo, vanoti gadziriro dzekuvhurwa kwechikamu chekuvhiya itsvo dzasvika padanho repamusoro.

“Michina nemidziyo yose inodiwa yavepo. Pangosara padiki-diki kuti basa richitangiswa asi tinovimba kuti gore rino hariperi varwere vasati vatanga kubatsirwa. Tiri mushishi kudzidzisa vanachiremba vachavhiya varwere veitsvo.

“Iri idanho guru rakakoshera Zimbabwe nekuti vanhu vazhinji vari kukundikana kuenda kunze kwenyika kunovhiiwa nekuda kwekudhura kwezvipatara zveko uye mari dzekufambisa,” vakadaro Dr Moyo.

“Vanhu vazhinji vanoenda kunyika dzakadai seIndia neSouth Africa kunovhiiwa asi varombo vanokundikana. Saka iri ndiro donhodzo kuvanhu venyika ino nekuti vachange vachibatsirwa pano nemari yakaderera,” vakadaro.

Zvichitevera budiriro iyi, chipatara ichi pari zvino chiri kubatsira varwere veitsvo kuburikidza nechirongwa cheRenal Dialysis apo vanogezwa itsvo pachena zvisinei nekuti zvimwe zvipatara zviri kubhadharisa US$370 panguva imwe neimwe.

Zvakadaro, Chitungwiza Central Hospital yakazarurawo mumwe mupande uri kubatsira varwere venzeve unova wekutanga munyika ino apo varwere vanobatsirwa pachena.

“Pachipatara chino takatangisa chirongwa chinodaidzwa kuti (Ear, Nose and Throat Department (ENT), icho chichabatsira vanhu vane matambudziko ekunzwa. Chirongwa ichi chakatsigirwa nehomwe yakabva kumutungamiriri weWiz Ear rinova sangano rakazvimiririra rine nyanzvi dzakabva kuCuba,” vakadaro.

Chitungwiza Central Hospital iri kudzidzisawo varairidzi vemuzvikoro zviri munharaunda iyi kuti vakwanise kuita ongororo yevana vane matambudziko ekunzwa nedonzvo rekuti vagobatsirwa.

 

Share This:

Sponsored Links