Uncategorized

Chitungwiza yogadzirisa zvinonetsa

27 Apr, 2018 - 00:04 0 Views
Chitungwiza yogadzirisa zvinonetsa VaLovemore Meya

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
KANZURU yeChitungwiza inoti yakazvirumura kubva mune zvimwe zvirongwa izvo yaisiwaniswa nekanzuru yeHarare zvaita kuti inge ichishanda yakasununguka uye pasina kushandisa mari zhinji.

Mashoko aya akataurwa nemukushi wemashoko kukanzuru iyi, VaLovemore Meya, muhurukuro yavakaita neKwayedza pamusoro pebudiriro iri kuitwa nekanzuru yavo kubva pakawana nyika ino kuzvitonga kuzere mugore ra1980.

“Tine shungu dzekuti dhorobha redu ringe richisimukira asi dambudziko nderekuti vamwe vagari vemuno vane zvikwereti zvemitero zvinodarika $6 miriyoni. Saka takatumira makambani anoronda zvikwereti (debt collectors) kuti vatevere mari idzi nekuti ndidzo dziri kudzorera budiriro kumashure.

“Asi kune vachiri kugara munzvimbo dzisati dzasevhiswa (dzisina migwagwa nezvimwe zvinodiwa) tinoti nyorai matsamba tione kuti mungabhadhara mitero yakamira sei, uye zvichienderana nezvinhu zvamuri kuwaniswa nekanzuru pari zvino,” vanodaro.

VaMeya vanoti kuburikidza nechirongwa ichi, vanhu vakawanda vave kuenda kumahofisi avo vachinoronga nzira dzekubhadhara nadzo mari dzemitero izvo zvavanoti zvichaona zvimwe zvirongwa sekugadzirwa kwepombi dzesuweji, pombi dzemvura, migwagwa nekutakurwa kwemarara zvichifambira mberi zvakanaka.

“Pakutanga dhorobha reChitungwiza raiwaniswa zvinhu zvakawanda kubva kukanzuru yeHarare asi iko zvino tave kushanda takazvimiririra. Taimbova neSquatter Camp yainzi Chirambahuyo asi takaiparadza tikapa masitendi kuti vanhu vagare zvakanaka. Kuva kanzuru yakazvimiririra tinoona iri shanduko huru inoratidza kuti nyika yeZimbabwe yakawana kuzvitonga kuzere nekuti pakuvamba takanga takamira seSt Mary’s Town Board,” vanodaro VaMeya.

Vanoenderera mberi vachiti Chitungwiza ine zvose zvinodiwa nevanhu sedzidzo, zvipatara uye mvura yakachena.

“Tine zvipatara zvikuru zvinosanganisira Chitungwiza Central Hospital, Citi-Med Private Hospital nemamwe ma24 Hour Hopitals uye makiriniki ekanzuru seSeke North, Seke South, Zengeza neSt Mary’s Poly-Clinic kureva kuti vanhu vanokwanisa kurapwa pane ipi zvayo nguva nemitengo inowirirana navo,” vanodaro VaMeya.

Vanoti nyika isati yawana kuzvitonga kuzere, mumakanzuru mazhinji maive nevashandi vechichena asi nhasi uno mave nevatema. “Takawaniswa rubatsiro rwemari nesangano rinonzi Zim Fund kuti tigadzirise nyaya dzekuwanisa mvura kuvanhu uye pombi dzesuweji pasi pechirongwa chePhase 1-2. Saka kutaura kudai vashandi vedu vari mushishi kubvisa mapombi ekare ayo aora vachiisa matsva. Tiri kubvisa zvakare mamita emvura tichiisa matsva (Static Water Metres). Izvi zvinotibatsira kuti tizive huwandu hwemvura inoshandiswa paimba nemba,” vanodaro.

Votaura nezvedhamu reMuda Dam iro rinogarotaurwa nezvaro nekanzuru yavo kuti richaita kuti dhorobha reChitungwiza rirege kupona nemvura yeHarare, VaMeya vanoti dambudziko rekushaya rutsigirwo rwemari ndiro guru.

Zvichakadai, kuchine dzimwe nzvimbo dzakagariswa vanhu nekazuru yeChitungwiza dzisati dzava nemigwagwa, pombi dzesuweji, dzemvura uye munzvimbo idzi marara haasi kutakurwa izvo zviri kuisa utano hwevanhu panjodzi.

VaMeya vanoti kanzuru yavo iri kuedza nepose painokwanisa kuti inge ichigadzirisa matambudziko akasiyana ayo akatarisana nevagari vekuChitungwiza.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>