Chitunha chakadyiswa poriji

05 Oct, 2018 - 00:10 0 Views
Chitunha  chakadyiswa poriji Fanuel “Bhoidho” Ngoni

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekwaNyamweda, kuMhondoro, ari kuferefeta nyaya yemurume aigara panzvimbo yemabhizinesi paDzumbunu uyo akawanikwa akafa zvinofungidzirwa kuti angangodaro akapondwa, vananyakuponda vacho ndokumboedza kudyisa chitunha chake bota vachida kuti amuke.

Mutumbi waFanuel “Bhoidho” Ngoni (53) — uyo aibva mubhuku raManhanzva, ikoko kwaNyamweda – unonzi wakawanikwa uri mumba yaaigara iri kuseri kwebhawa reGreen Valley, paDzumbunu nemusi wa24 Gunyana.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, Inspector Clemence Mabgweazara, vanotsinhira nyaya iyi.

“Tine nyaya yatiri kuferefetwa yemurume anonzi Fanuel Ngoni kana kuti Bhoidho uyo aigara kudzimba dzekuseri pabhawa reGreen Valley.

‘‘Mutumbi wake wakawanikwa wakakandwa mumba maaigara uine maronda mumakumbo, mapendekete, mumaoko, pamhanza, kumusana, nedzimwe nhengo,” vanodaro.

Insp Mabgweazara vanoti muchakabvu uyu akagumisira kuonekwa husiku hwemusi wa23 Gunyana apo ainwa doro mubhawa reGreen Valley achingova nemusikana anotengesamo, Shelter Chinawadzimu (24).

Bhoidho anonzi akazobuda achiti aida kunotsvaga zvekudya kumba kwaZiyambe Matenga (80) uyo anoshanda pachigayo cheGreen Valley.

Bhoidho anonzi aiva aendesa girosari rake kumba kwaMatenga iro anonzi aiva atengerwa nehanzvadzi yake inogara kuHarare.

“Murume uyu anonzi ndiye akagumisira kubuda mubhawa iri ari oga akabata doro ndokuenda kumba kwaMatenga, mutumbi wake ndokuzowanikwa rechimangwana racho uri mumba maairara,” vanodaro.

Kuburikidza nekuferefetwa kuri kuitwa nyaya iyi, mapurisa akatosunga vanhu vaviri vanoti Jack Zuze (36) nababa vake Matenga.

“Mukuferefetwa kwenyaya iyi, zvinonzi mufi uyu akanosvika kumba kwaMatenga uko akanogogodza mumba inorara Ziyambe Matenga umo akavhura dhoo achiti aida kudya akanzi maisava nekudya kwake. Anonzi akapihwa pepa rekumonera fodya ndokuzoenda kuimba yekubikira kwaiva kurere Jack Zuze nemukadzi wake,” vanodaro mapurisa.

Bhoidho anonzi akanogogodza zvakare achida kupinda mumba umu apo akazosandudzirwa panze naZuze akanopunzika pasi negotsi achibva aridza mhere apo anonzi akabva afenda.

“Baba nemwana ava vanonzi vakaedza kumutova nemvura inodziya kuti amuke zvikaramba, rechimangwana racho ndokuzozama kudyisa chitunha chake bota kuti chimuke,” vanodaro.

Matenga anonzi paakaenda kubasa kwake kuGreen Valley, akasvikonyepera Chinawadzimu kuti Bhoidho airwara ari kumba kwake, rinova shoko rakanotaurirwa VaGodfrey Ngwarati (64) vanove hama yemufi.

Insp Mabgweazara

Insp Mabgweazara vanoti nenguva dza2 masikati musi uyu, Zuze anonzi akazotora bhara iro akatakurisa chitunha ichi achishandisa tunzira twakavandika apo akanokanda mutumbi uyu mumba maigara muchakabvu. Vaona kuti pane chikiribidi chaivapo, VaNgwarati vakazonomhan’ara nyaya iyi kumapurisa ekwaNyamweda zvikakonzera kusungwa kwevaviri ava avo vari kutarisirwa kupinda mudare redzimhosva.

Mutumbi wemuchakabvu wakaendeswa kuchipatara cheNorton kunoongororwa namachiremba.

Share This:

Sponsored Links